Accessibility links

Breaking News

VaJuly Moyo Vonzi neDare Havana Simba Rekuvandudza Zvinenge Zvasungwa neMakanzuru


Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo
Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo

Dare repamusoro reHigh Court nhasi rapa mutongo wekuti gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo havana masimba ekupota vachipindira mumashandiro emakanzuru zvikuru kana paitwa zvisungo nemakanzura.

VaMoyo vainge vaendeswa kumatare nesangano reCombined Harare Residents Association kana kuti CHRA nevamwe vanhu vana vachimirirwa nemagweta eTendai Biti Law Chambers.

Vagari vaiti chikamu chemutemo kana kuti section 314 chemutemo weUrban Councils Act hachifambirane nebumbiro remitemo.

Chikamu ichi chinopa gurukota rezvematunhu masimba ekuramba kutambira zvisungo zvemakanzura.

Mutongi Justice Priscilla Munangati Manongwa mumutongo wavo vatenderan neCHRA. Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kana mutevedzeri wavo Amai Marian Chombo kuyi tinzwe kuti vachapikisa here mutongo uyu kudare repamusoro soro.

Asi vanoona nezvekufambisaw kwemabasa musangano reCHRA VaReuben Akili vaudza Studio 7 kuti mutongo uyu wakakosha zvikuru pakuremekedzwa kwebumbiro remutemo nekuchengetedza zvido zvevagari vanovhotera makanzura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG