Accessibility links

Breaking News

Vachuchusi Voramba Kuti Nhengo dzeCCC Dzitongwe Dzichibva Kumba


Mumiriri weBudiriro muparamende, VaCosta Machingauta, vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekuita musangano vaine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga inova mhosva imwecheteyo iri kupomerwa mumiriri weMkoba muparamende VaAmos Chibaya nedzimwe nhengo makumi maviri nevana avo vanga vari mudare zvakare nhasi.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaPardon Dziva, vati vari kupikisa kuti VaMachingauta vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso uye vati nyaya yaVaMachingauta ibatanidzwe neyemumiriri weMkoba muparamende, VaAmos Chibaya, nevamwe vavo makumi mana avo vakasungwa neMugovera pamba paVaMachingauta.

Asi rimwe remagweta aVaMachingauta, VaWilbert Mandinde vati hapana chikonzero chekuti VaMachingauta vagariswe muhusungwa vachiti munhu akazvipira kumapurisa mushure mekunge vanzwa kuti vari kutsvagwa nemapurisa. Izvi zvatsinhirwa nerimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava, VaKudzayi Kadzere, avo vakarohwawo nemapurisa neMugovera vachimirira vasungwa ava.

Zvichakadaro, mutongi wedare anga achifanira kutura mutongo wekuti mwana mudiki ane makore ari pegumi nemasere asatongwe nevamwe vasungwa ava, Amai Yeukai Dzuda, vatadza kuuya kudare vachinzi havasi kunzwa zvakanaka zvaita kuti vatadze kutura mutongo uyu.

Zvichakadai, gweta riri kumirira mwana uyu, Muzvare Pamela Musimwa vati havasi kufara kuti mwana uyu ave kutadza kuenda kuchikoro sezvo mutongi anzwa chikumbiro chavo chekuti mwana uyu apihwe mazuva ari mberi ekudzoka kudare, VaDennis Mangosi, vati nyaya iyi igodzoka kudare pakatarisirwa kuturwa mutongo pachikumbiro chavakaita kuna Amai Dzuda.

Magweta avasungwa ava achemachema kuna VaMangosi kuti vasungwa vari kutyorerwa kodzero dzavo sezvo vaswera vachinyimwa chikafu zuva rese vari pamatare uye vam,we vavo vane hurwere hwekuti vanoda kutanga vanwa mapiritsi. Magweta aya akumbirawo dare kuti vamwe vevasungwa ava vaonekwe nanachiremba vavanoda panguva yavanenge vachiri muhusungwa uye vatiwo havasi kufara kuti tsamba dzavanga vanyorera hama dzavo dzabvutwa nevanochengetedza vasungwa zvavati zvinotyora kodzero dzavo.

VaKadzere vati vari kushushikana zvikuru nezvinhu zvakadai pamwe nekunonoka kufamba kuri kuita nyaya mumatare vachiti nguva dzose vari kuswera mumatare vatongi vasingabate nguva dzavanenge vataura.

Vasungwa ava vakasungwa vari pamba paVaMachingauta vakapomerwa mhosva yekuita musangano pamba apa vaine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga. Asi vasungwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti pasi pemutemo weMaintenance of Peace and Order Act havasungirwe kutsvaga mvumo kana vasiri kuita musangano weveruzhinji.

Pane imwewo nyaya yanga iri mumatare nhasi, kutongwa kwemumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, avo vari kupomerwa yekurudzira mhirizhonga muna Chikunguru 2020 kwatadza kuenderera mberi nhasi sezvo mutongi wedare panyaya iyi, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro vati, vanga vakabatikana kuti vanzwe nyaya iyi nhasi. Amai Guwuriro vati VaSikhala vagodzoka kudare musi Ndira 23 pakatarisirwa kuti nyaya iyi ienderere mberi.

VaSikhala vakatarisana neimwe mhosva yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare pamwe nekukurudzira mhirizhonga zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa imwe nhengo yebato reTripple C, Muzvare Moreblesing Ali, nevanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma mhosva iyi kumatare edzimhosva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG