Accessibility links

Breaking News

VaMuvevi Vomiswa Pamberi peDare, Madzibaba Sirage Wavanonzi Vakauraya Vachiradzikwa


Jaison Muvevi

Aimbove mutikitivha weCriminal Investigations Department, VaJaison Muvevi, avo vari kupomerwa mhosva yekupfura nekuuraya vanhu vatatu mudunhu reMashonaland East svondo rapera vaunzwa kumatare edzimhosva nhasi mushure mekubatwa kwavakaitwa kuMozambique kwavakanga vatizira.

VaMuvhevhi, avo vane makore makumi mana nematatu ekuberekwa, vaunzwa kudare ramejasitiriti remuHarare nhasi vakachengetedzwa nemapurisa namushure mekubatwa kwavakaitwa kuMozambique kwavakange vatizira.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaPardon Dziva, vakumbira dare kuti VaMuvevi vamboramba vari mumaoko emapurisa vachiti mapurisa achiri kuda kuferefeta zvakadzama nyaya dzekupfura kwavakaita vanhu vatatu vakafa kuWedza mudunhu reMashonaland East uye mumwechete akakuvara zvakaipisisa.

Mupurisa ari kuferefeta nyaya idzi VaPikisai Chikwazo vati vanoda mazuva matatu ekuchengeta VaMuvevi vachivabatsira mukuferefeta kwavari kuita vachiti vanoda kuenda navo kwavanonzi vakaparira mhosva idzi pamwe nekuvapa mukana wekusaina mapepa emhosva.

Gweta raVaMuvevi, VaSamson Dzingira, vapikisa chikumbiro ichi vachiti dare riendese VaMuvhevhi kujeri vachiti mapurisa anogona kuvaferefeta vari kujeri ikoko.

Asi mutongi wedare, VaDennis Mangosi, vabvuma chikumbiro chemapurisa vakavapa mazuva matatu ekuti ange akachengetedza VaMuvevi pamwe nekuenderera mberi nekuferefeta mhosva dzavari kupomerwa.

VaMuvevi vari kupomerwa mhosva yekuuraya VaCrispen Mubvana Kanerusine, mukuru wemapurisa epakamba yeWedza, VaMaxwell Hove pamwe naVaMunashe Mujanhi pamwe nekupfura mumwe mupurisa Detective Constable Tendai Mugova vakavasiya vakuvara zvakaipisisa.

Mushure mekupara mhosva idzi, VaMuvevi vakabva vatizira kuMozambique uko kwavakazobatirwa neMuvhuro ndokudzoswa muchinyika mapurisa emuno achishanda pamwechete nemapurisa ekuMozambique.

Zvichakadaro, VaKanerisine vanozivikanwa nekuti Madzibaba Sirage vanonzi vakapfurwa naVaMuvevi vakaradzikwa kuHwedza nhasi. Vanhu vakawanda veJohane Masowe eChishanu vakaungana vachivaradzika kumusha kwavo kwaMukamba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG