Accessibility links

Breaking News

Paramende Yokurudzira ZEC Kuti Igadzirise Maganhuriro Ayakaita Matunhu Sarudzo Dzisati Dzaitwa


Amai Priscilla Chigumba sachigaro weZimbabwe Electoral Commission tnemutungamii wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Amai Priscilla Chigumba sachigaro weZimbabwe Electoral Commission tnemutungamii wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Dare nhasi yatambira gwaro range richitarisa kutarwa kwakaitwa miganhu yematunhu richashandiswa pakuvhota neZimbabwe Electoral Commission. Gwaro ratambirwa neparamende rakaburitswa nekomiti yenhengo dzedare iri shoma kana kuti Adhoc committee. Zvabva kudare reparamende zvave ave kutumirwa kuhofisi yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanngagwa sezvinokurudzirwa nemutemo.

Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vati mazuva maviri ekuzeya gwaro reAdhoc Committee on Analysis of the Preliminary Delimitation Report aratidza kuwirirana pakati penhengo dzese dzeparamende nekudaro dzatambira gwaro iri.

Vati zvakataurwa nezuro mumatare eSeneti neNational Assembly zvichapinzwa mugwaro iri iro richasvitswa kumutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mngagwa Mangwana kuti varisvitse kuZEC.

Sachigaro weAdhoc Committee iyi, VaPupurai Togareoi veZanu PF vachimirira Gutu South, vaudza Studio 7 kuti vafara kuti gwaro iri ratanbirwa.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weTripple C, VaTendai Biti, vachimirira Harare East.

Vanotungamira nhengo dzeMDC muNational Assembly zvakare vachimirira dunhu reHarare (proportional representation), Amai Paurina Mpariwa, vati vanotsigira danho ratorwa neparamende vachiti ZEC inofanira kuita sarudzo pajekerere.

Mumiriri weNorton, VaTemba Mliswa, avo vakazvimirira vanoti zvichitevera kutadza basa kwavanoti kwakaitwa neZEC nekufamba kwaita nguva kuti sarudzo dziitwe, veruzhinji vanofanira kupihwa mukana wekuvhota kuti sarudzo dzoenderera mberi here kana kuti kwete paReferendum.

Asi VaBiti vati sarudzo dzinofanira kuitwa pagadziriswa zvese zvinodiwa. Gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi vati gwaro ratambirwa neparamende richaindiswa kumutungamiriri wenyika.

VaMnangwa vanotarisirwa kutambira gwaro iri mangwana. Zvikuru zvakabuda muongororo yakaitwa neparamende inyaya yekuti ZEC haina kutevedza gwaro remutemo pamwe nekushandisa zvakabuda mukuverengwa kwevanhu kana kuti National Census payakatara miganhu inotarisirwa kushandiswa musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG