Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzowirirana neGwaro reWorld Bank Rinoti Zimbabwe Ndiyo Ine Mitengo yeZvekudya iri Pamusoro Pasi Rose


world bank
world bank

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevashandi vanoti vanowirirana negwaro rakaburitswa nebhanga repasi rose reWorld Bank, iro riri kuti Zimbabwe ndiyo iri kutungamira munyika dzepasi rose pakuve nemitengo yezvekudya iri pamusoro zvakanyanya.

Gwaro reWorld Bank iri, iro rakaburitswa muna Zvita gore rapera, rinoisa Zimbabwe pachinzvimbo chekutanga chenyika gumi dzine mitengo yechikafu iri pamusoro zvakanyanya pasi rose pagore, iine zvikamu mazana matatu nemakumi maviri nechimwe kubva muzana, kana kuti 321 percent.

Zimabwe inoteverwa neLebanon, iyo ine zvikamu mazana maviri nezvitatu kubva muzana, kana kuti 203 percent, kuchizouya Venezuela, iyo ine zvikamu zana nemakumi mashanu nezvisere kubva muzana, kana kuti 158 percent.

Imwe nyanzvi yezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti mitengo yezvekudya yakakwira zvakanyanya gore rapera nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka wekurima wapera.

Munyori mukuru wemumwe mubatanidzwa wemasangano evashandi, weZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKennias Shamuyarira, vanotiwo kukwira kwemitengo yezvekudya kuri kutaurwa nebhanga repasi rose uku kunorwadza mushandi zvakanyanya sezvo mihoro yavari kutambiriswa mumabasa umu iri pasi zvakanyanya.

World Bank inoti Zimbabwe iri kutungamira nyika dzepasi rose.
World Bank inoti Zimbabwe iri kutungamira nyika dzepasi rose.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari zvakare nyanzvi mune zvekudyidzana kwenyika dzepasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanotsanangura kuti zvii zvinotariswa nebhanga guru parinobuda negwaro iri.

Muzvinafundo Masocha vanoti panotariswa mitengo yezvinhu zvakaita seupfu nechingwa, zvinodiwa nevanhu zuva nezuva, uye vashandi vebhanga repasi rose iri vari munyika ndivo vanoona zvinenge zvichiitika.

Vanoongorora zvehupfumi vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti kune vamwe vari kutoti kukwira kwemitengo yechikafu munyika kuri pamusoro kudarika zvakaburitswa neWorld Bank izvi.

Saka izvi zvingagadziriswa sei? Doctot Chitambara vanodzoka vachiti panofanirwa kutsvagwa nzira dzekuchengetedza nadzo mvura, dzakaita sekuvaka mamwe madhamu pamwe nekukurudzira nyaya yemadiridziro, kana kuti irrigataion.

World Bank inoti kukwira kwemitengo yenyika yoga yoga kuri mugwaro rayo iri kwakananga neongororo yakaitwa kubva muna Nyamavhuvhu kusvika muna Mbudzi wegore rapera.

Mumwedzi waMbudzi, Zimbabwe inonzi yakanga iri pamusoro penyika dzose dzepasi rino zvakare iine zvikamu zvimwechete nezvakawanikwa muna Zvita izvozvo.

Rwanda ndeimwe yenyika dzemuAfrica dziri panyika gumi dzine mitengo yezvekudya yakakwirisisa mupasi rose.

Kunze kwekunge hurumende yagadzirisa matambudziko ari kuita kuti mitengo yezvinhu irambe ichikwira, ayo anonzi nedzimwe nyanzvi idzi ari kukonzerwa nekusawana goho rakanaka mwaka wapera, Zimbabwe inonzi icharamba iri pamusoro pegungano renyika dzepasi rose iri, izvo zvinonzi hazvipe chimiro chakanaka kunyika.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG