Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeParamende yeCCC VaMachingauta Vosungwa Vamwe Vachimiswa Pamberi peDare


Riot Police Zimbabwe
Riot Police Zimbabwe

Mumiriri weBudiriro muparamende, VaCosta Machingauta, vasungwa nhasi vakapomerwa mhosva yekuita musangano pakupera kwesvondo vaine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga.

Izvi zvinotevera kusungwa kumusha wevazhinji weBudiriro muHarare kwemumiriri weMkoba mudare reparamende, VaAmos Chibaya nevamwe vavo makumi maviri nevana neMugovera avo vanga mudare redzimhosva zvakare nhasi.

VaMachingauta vasungwa nhasi mangwanani pavanozvipira kumapurisa epaHarare Central Police Station eLaw and Order mushure mekutaurwa kwakaitwa mudare redzimhosva nemupurisa ari kuferefeta zvakaitika kuBudiriro musi weMugovera, VaGeorge Garauzive, kuti VaMachingauta vainge vachitsvagwawo nemapurisa.

Gweta raVaMachingauta, VaDarlington Marange, avo vaperekedza VaMachingauta kumapurisa, vati VaMachingauta vapomerwa mhosva yakafanana neiri kupomerwa VaChibaya nedzimwe nhengo dzeTripple C dzakasungwa neMugovera idzi.

VaMarange vati VaMachingauta vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato reTripple C, VaGift Ostallos Siziba, vashora kusungwa kwaVaMachingauta vachiti zvavakuita sekunge bato ravo ririkushanda zvisiri pamutemo.

Magweta anyunyuta mudare kuti vasungwa ava vaunzwa kudare vakapfekedzwa hembe dzekujeri ivo vasati vaiswa paremand. Magweta atiwo haasi kufara kuti hembe dzanga dzakapfekedzwa vasungwa dzanga dzakabvaruka-bvaruka zvekuti vamwe vavo vanga vachiita sevasina kupfeka. Asi vachuchisi venyaya iyi vati vachaferefeta nhuna idzi.

Mudare, VaChibaya nevamwe vavo vatadza kuenderera mberi nekusvitsa chikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekunge gweta resangano rinomirira kodzero dzevana reJustice for Children, Amai Pamela Musimwa, vasvitsa chikumbiro kudare chekuti umwe mwana ari pasi pemakore gumi nemasere uyo akasungwa pamwe chete nenhengo dzeCCC idzi asatongwe pajekerere. Amai Musimwa vati kuita izvi kunotyora kodzero dzemwana uyu.

Mutongi wedare, Amai Yeukai Dzuda, vati vachatura mutongo wavo pachikumbiro ichi mangwana.

Nhengo dzeCCC idzi dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa dzichiti pasi pemutemo we Maintenance of Peace and Order Act hadzisungirwe kutsvaga mvumo kana dzichiita musangano usiri weveruzhinji sezvadzinoti dzaiita panguva yadzangakasungwa dziri pamba paVaMachingauta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG