Accessibility links

Breaking News

Paramende Yozeya Nyaya yeKuganhurwa kweMatunhu neZEC Yakonzera Mutauro paMberi peSarudzo


Justice Priscilla Chigumba

Nhengo dzedare reparamende dzinoti Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) inofanira kugadzirisa zvayakanzi igadzirise nekomiti yeparamende (Adhoc Committee) yakaongorora gwaro rayo rekutara miganhu yematunhu ekuvhotera rePreliminary Delimitation Report pamwe nekutambirawo zvichabuda muhurukuro dziri kuitwa muparamende pamusoro pegwaro iri.

Vachipapfungwa dzavo pamusoro penyaya iyi, mumiriri weHarare East VaTendai Bitil, vanova mumwe wevatevedzeri vebato reTripple C vati gwaro reAdhoc Committee rinofanira kugamuchirwa neZEC yogadzirisa zvakakurudzirwa kuti zviitwe.

VaBiti vatiwo ZEC inofanira kugadziriswa zvese zvichabuda muhurukuro dzavari kuita kwemazuva maviri vachiti nguva iripo zvigadziriswe.

Imwe nyaya yavati inofanira kugadziriswa ndeyekupatsanura maWard achiiswa kunzvimbo dzakasiyanana .

Izvi zvatsinhirwawo nemuririri weShamva North vari nhengo yeZanu-PF, VaBramwell Bushu.

Vachipawo pfungwa dzavo panyaya iyi, mumiriri weBinga North, VaPrince Dubeko Sibanda veTripple C vati ZEC inofanira kupihwa mukana wekugadzirisa zvaakanganisa kwete kuti pashandiswe miganhu yakashandiswa musarudzo dzemuna 2018 sezvinoitwa pamutemo kana ZEC ikatadza kubata nguva.

VaDavid Tekeshe veMDC vanomirira Makoni Central, ndevamwewo vati ZEC inofanira kugadzirisa zvese zvayakanzi igadzirise isati yaburitsa gwaro rayo rekupedzesera kuti rishandiswa musarudzo.

Mugwaro rayo Adhoc Committee yakaita chisungo chekuti mamwe matunhu akaita seGutu South ne Bulilima East anofanira kudzorwa izvo zvinotsigirwa nemumiriri weWarren Park VaShakespear Hamauswa.

Nhengo dzeparamende dziri kudawo kuti ZEC itare miganhu yayo ichishandisa zvakabuda mukuverengwa kwevanhu kana kuti National Census pamwe nekuti maConstituencies ese ave nehuwanduu hwevanhu hwakafanana.

Magwana nhengo dzedare reparamende dzichazeya gwaro iri dzoendesa zvisungo zvadzo kumutungamiri wenyika anozozvisvitsa kuZEC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG