Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voyambirwa Kuti Vangwarire Zvirwere zveManyoka Muzhizha Muno


Mvura ine siweji ichiyererera kuMbare

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire zvirwere zvemanyoka zvakaita secholera sezvo zvichiparariea zvakanyanya munguva ino yekunaya.

Mumwe chiremba Doctor Christian Marova vaudza Studio 7 kuti mwaka wekunaya unounza zvirwere zvemanyoka zvakawanda. Vaenderera mberi vachiti zvakakosha uye zvirinyore kudzivirira zvirwere zvichienzaniswa nekuzorapwa. Dr Marova vari kukurudzira vanhu kuti vageze maoko nemvura yakachena vasati vabata zvekudya.

Vakurudzirawo kuti zvakakosha kuti vanenge varwara vaende kuzvipatara nekukukurumidza.

VaSimbarashe James Tafirenyika vanotungamirira sangano rinomiririra vanamukoti vanoshanda mumakanzuru munyika reZimbabwe Urban and Rural Council Nurses Workers Union vatiwo zvimwe zvinoratidzira kuti munhu abatwa nechirwere chemanyoka zvinosanganisira kuita tsvina yakaita mvura.

Vawedzerawo vachiti nekuda kwekuti pombi dzesiweji dzavekugaroputika mumadhorobha, nguva yekunaya inowedzera njodzi yekupararira kwezvirwere zvemudumbu sezvo mvura dzetsvina dzichikukurwa dzobatana nemvura inogona kunwiwa neveruzhinji.

VaTafirenyika vatiwo zvakakosha kuti makanzuru awanise vanhu mvura yakachena vachitiwo zvipatara zvinofanirwa kuva negadziriro yekurwisa zvirwere zvemanyoka.

Asi makanzuru akawanda anoti haana mari yekutenga mishonga yekuchenesa mvura uye kudzimwa dzimwa kwemagetsi kuri kupa kuti kuwanisa veruzhinhi mvura yakachena kunetse.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vatenda kuti zvirwere zvemanyoka zvakaita seCholera neTyphoid zvinowanda nguva ino yekunaya kwemvura . Vatiwo bazi rezvehutano rakatotora matanho ekugadzirira kurwisa zvirwere zvemanyoka izvi.

VaMujiri vakurudzirawo veruzhinji kuti vatevedzere matanho anotaurwa nebazi rezvehutano mukudzivirira zvirwere zvemanyoka.

Chirwere checholera chakauraya vanhu vanodarika zviuru zvina muna 2008 kusvika 2009 uyewo zvinonzi vanhu vanodarika zviuru zana vakabatwa nechirwere ichi. Muna 2018 na 2019 chirwere checholera chakaurayawo vanhu vanosvika makumi matanhatu nevapfumbamwe

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG