Accessibility links

Breaking News

Winky D Ohwina Mubairo Mukuru


Winky D
Winky D

Wink D asarudzwa kuve muimbi wechirume akakunda vamwe kuchamhembe kweAfrica nekambo kake Happy Again mumakwikwi ane mukurumbira eAll Africa Music Awards (AFRIMA).

Vamwe vaimbi vange vachikwikwidzana naye kuwana pamubayiro uyu vanosanganisira vekuSouth Africa vakaita saA Reece, Blxckie, Focalistic, Kabza de Small, Master KG nevamwe.

Winky achangobvawo kubura dambarefu rinonzi Eureka riri kutambirwa nevakawanda rine nziyo dzakaita saIbotso, Dzimba dzeMabwe, Shaker nedzimwe.

Achinyora padandemutand rake reFacebook, Winky D atenda zvikuru vose vanomutsigira munyaya dzekuimba achiti uzvi ndizvi zvinomupa simba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG