Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Muvhevhi Akauraya Vanhu kuHwedza Haasati Asungwa


Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti Jaison Muvhevhi akauraya vanhu vatatu kuHwedza nemusi weChishanu haasati asungwa sezviri kutaurwa nevamwe kusanganisira vatauriri vehurumende pamadandemitande akaita seTwitter.

Bepanhau reHerald rinoti mapurisa nezuro akarwisana zvinotyisa kwaChiduku, Rusape nemapurisa asati atiza achienda mumakomo. VaNyathi vati mapurisa ari kumutsvaga. Anonzi akatiza achisiya motokari pamwe nepfuti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG