Gweta rinorwira kodzero dzevanhu riri nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKudzai Kadzere vari kumirira nhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC dzakasungwa kuBudiriro nezuro rambochengetedzwa nemapurisa nhasi muHarare.
VaKadzere avo vanoti vakarohwa nemapurisa nezuro vakatyoka ruoko vachida kuyedza kumiririra vasungwa nezuro kuBudiriro ava vaiswa mumaoko emapurisa ekuBudiriro pavaenda kuHarare Central vaine gweta ravo Muzvare Nontokozo Dube- Tachiona vachida kumhan’ara nezvekutyorwa kwavakaitwa ruoko nemapurisa.
Panhengo dzeCCC makumi maviri neshanu dzakasungwa nezuro, pane murongi wemabasa mubato iri vari mumiriri weMkoba mudare reparamende VaAmos Chibaya uye mumiriri weBudiriro mudare reparamende VaCosta Machingauta.
Musangano uyu waiitirwa pamba paVaMachingauta. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Rimwe gweta riri kumirira vasungwa ava vachiona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Human Rights Ngo Forum VaWilbert Mandinde vanoti VaKadzere vanzi vauye kudare nemusi weChina. Asi nhengo dzeCCC dziri kutarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana.
Facebook Forum