Accessibility links

Breaking News

Muimbi weChidiki, Daniel Robert Meck, Oruka Dambarefu Idzva Rine Nziyo Gumi


Muimbi wechidiki Daniel Meck
Muimbi wechidiki Daniel Meck

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, nhasi taita hurukuro nemuimbi wechidiki achiri kusimukira, Daniel Robert Meck, uyo anoti ari kuruka dambarefu idzva rine nziyo gumi dzaanoti achapakura dzese kana dzaibva.

Muimbi uyu anoti vabereki vake vakamurerera mumagitare zvekuti akatanga kuridza ngoma dzemagitare achiri kakomana kemakore matatu.

Anoti zvekuimba izvi chipo chekuzvarwa nacho chiri mumhuri yake sezvo vese vachingoita zvemagitare.

Vidhiyo yekuona - Daniel Meck
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Daniel anoti akatanga kufunga zvekuimba paakaona matambirirwo aiita kuimba kwake kukereke, uko kwaaimba nevamwe mumakwaya.

Pari zvino ane kambo kaanoti kari pamwoyo sezvo kari iko kekutanga kaaita kanonzi β€œI Have Made It”.

Nziyo dzaDaniel dzinowanikwa pamadandemutande anoti YouTube, Instagram neFacebook ari mumazita ake.

Anotiwo vanoda kutaura naye parunhare vanowana nhamba dzake pamadandemutande ese aya.

Pari zvino Daniel anorarama ari mudunhu reTexas, muAmerica, umo anogara nevabereki vake.

Hurukuro na Daniel Meck -WOZA FRIDAY
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG