Accessibility links

Breaking News

Apo Mapurisa Ari Kuti Asunga Vanhu Vatatu paMhirizhonga yekuMurehwa North, Zanu PF Inoti Iri Kutsvaga Rutsigiro muRunyararo


Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Mapurisa anoti asunga vamwe vanhu vane chekuita nemhirizhonga inonzi yakaitika kwaMurehwa svondo rapera uko nhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change dzinonzi dzakarohwa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.

Asi Zanu PF iri kuramba mhosva iyi ichikurudzira nhengo dzayo kuti dzitsvage rutsigiro murunyararo pamberi pesarudzo dzegore rino.

Mapurisa akazivisa nezuro kuti akasunga vamwe vanhu vaviri vaari kufungidzira kuti vane chekuita nekurohwa kwenhengo dzebato reCCC kuMurehwa North svondo rapera.

Mapurisa eZimbabwe Replic Police akazivisa kubudikidza nedandemutande rawo reTwitter kuti akasunga VaPaul Kachigu, avo vane makore makumi matatu nemana ekuberekwa, pamwe naVaDignity Nadzo, vane makore makumi matatu nerimwechete, maererano nemhirizhonga iyi.

Mapurisa akati achiri kuferefeta kuti abate vamwe vari kufungidzirwa kuti vane chekuita nekuzvambaradzwa kwenhengo dzebato rinopikisa iri, idzo dzakabuditswa pavhidhiyo riri kutenderera pamadandemutande akasiyana-siyana dzichirohwa neshamhu nevanonzi nebato reCCC inhengo dzeZanu PF.

Asi bato reZanu PF rinoti hadzisi nhengo dzaro dzakarova vanhu ava sezvo bato iri richiti hapana chiri pavhidhiyo iyi chinoratidza kuti inhengo dzeZanu PF.

Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere
Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere

Kusungwa kwakaitwa VaKachigu naVaNadzo kwave kureva kuti pave nevanhu vatatu vasungwa kusvika pari zvino vachinzi vane chekuita nemhirizhonga iyi zvichitevera kusungwawo kwakaitwa VaNever Chimutashu vane makore makumi matanhatu nemanomwe ekuberekwa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 parunhare kuti vachiri kutsvaga vamwe vanhu gumi nevanomwe vari kufungidzirwa kuti vane chekuita nemhirizhonga iyi iyo yakasiya chembere neharahwa dzakuvara.

Asi VaNyathi havana kuda kutaura kuti vasungwa kusvika pari zvino vachamiswa rinhi pamberi pematare kunze kwekungoti vachatevedzera zvinotarisirwa pamutemo pamusoro pekumiswa kwevanhu mumatare kubva nguva yavanenge vasungwa.

Zvichakadai, vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vati pane nhengo dzebato ravo mbiri dzakarohwa zvakaipisisa nezuro kuGoromonzi nevanofungidzirwa zvakare kuti inhengo dzeZanu PF mushure mekunge dzaburutswa mubhazi radzanga dziri rio rakanga rakatakura vanhu vaienda kunonyoresa kuvhota.

Muzvare Mahere vati pakapambwa vanhu vaviri vakazvindikitwa nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu PF ava.

Murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha.
Murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha.

Asi murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vaudza vatori venhau kuti bato ravo haridi zvemhirizhonga, vakakurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzitsvage rutsigiro murunyararo pamberi pesarudzo dzegore rino, vachiti veruzhinji havavhotere vanhu vanoita zvetsvimbo mugotsi.

Kunyange hazvo bato reZanu PF riri kukurudzira runyararo, Muzvare Mahere vati bato iri rinoita zvekuruma richifuridzira segonzo, ndokukurudzira mapurisa kuti aite basa rawo asina divi raakarerekera.

VaBimha vakakurudzirawo vemapato anopikisa kuti vasaite zvemhirizhonga pamberi pesarudzo.

VaBimha vakurudzirawo kuti bazi rinoona nezvinoitika mukati menyika pamwe nekomisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbawe Electoral Commission, kuti vatange zvakare zvirongwa zvekufamba vachipa vanhu zvitupa nekuvanyoresa sevavhoti vachiti pane vanhu vakawanda vasati vakwanisa kuita izvi, zvikuru sei kumaruwa.

Hatina kukwanisa kutaura neveZEC pamwe negurukota rezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe, kuti tinzwewo mativi avo pakurudziro yeZanu PF iyi sezvo nharembozha dzavo vose dzanga dzisiri kudairwa.

Sarudzo dzakatarisirwa kuitwa mukati memwedzi mishoma iri kutevera bato reZanu PF richiti riri kutarisira kvhoterwa nevanhu mamiriyoni mashanu, ukuwo bato reCCC richitiwo riri kutarisira kuvhoterwa nevanhu mamiriyoni matanhatu.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG