Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Yaiongorora Gwaro reZEC reKutarwa kweMiganhu Ichashandiswa paSarudzo Inotura Zvayakawana kuParamende


VaPupurai Togarepi veZanuPF
VaPupurai Togarepi veZanuPF

Komiti yakadomwa neparamende kuti iongorore gwaro rekutanga rekutarwa kwemiganhu ichashandiswa pasarudzo, reZimbabwe Electoral Commission (ZEC) Preliminary Delimitation Report, yatura zvayakawana kuparamende nhasi.

Komiti iyi inoti ZEC haina kutevedzera bumbiro remutemo uyewo zvakawanda zvaisina kuita zvakajeka, nekudaro zvese izvi zvinofanira kugadziriswa kuti gwaro iri rishandiswe pasarudzo pasina mutauro.

Sachigaro vekomiti iyi, VaPupurayi Togarepi vebato reZanu PF, vanoti ongororo yavo yavakaita vachibatsirwa nenyanzvi, uye kubvunzurudza ZEC pamwe nenhengo dzeparamende yaratidza pachena kuti ZEC haina kutevedza bumbiro remutemo uye haina kuita basa rayo zvakajeka.

Vanoti ZEC haina kujekesa kuti yakatara miganhu yayo sei uye hainawo kujekesa pamamepu (maps) ayo kana kuburitsa pachena nzvimbo dzichavhoterwa mumatunhu akasiyanasiyana.

VaTogarepi vanoti ZEC yakavaudza kuti yakashandisa gwaro revavhoti vachiti yaifanira kushandisa gwaro rezvakabuda mukuverengwa kwevanhu reNational Census pakutara miganhu iyi sezvinotarwa nebumbiro remutemo, kwere gwaro revavhoti.

Vanoti nekuda kwaizvozvo, ZEC inofanira kugadzirisa gwaro iri nekutevedzera mutemo wenyika.

Mumwe mutevedzeri weCCC, VaTendai Biti.
Mumwe mutevedzeri weCCC, VaTendai Biti.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaTendai Biti, vaudza Studio 7 kuti havana kushamiswa nezvaturwa nekomiti yaVaTogarepi.

Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora, avo vanove nhengo yekomiti iyi, vaudza Studio 7 kuti ZEC inofanira kutara miganhu ichishandisa huwandu hwevanhu vese vari munzvimbo kwete vanhu vakanyoresa kuvhota chete.

VaMwonzora vanotiwo zviri pachena kuti ZEC haina kutaura nemadzishe uye inofanira kutaura nevana vese veZimbabwe kusanganisira madzishe kuti ibude negwaro rinofadza munhu wese.

Vanoenderera mberi vachiti hazvina huchenjeri kuenda kusarudzo negwaro reZEC iri.

Zvimwewo zvisina kufadza komiti yeparamende iyi inyaya yekuti gwaro rakaturwa kumutungamiriri wenyika rikazoendeswa kuparamende rainge risina kusainwa nemakomishina ese eZEC uye raive rakasainwa nasachigaro chete, Justice Priscilla Chigumba nemutevedzeri wavo, VaRodney Simukai Kiwa.

Sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba.
Sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba.

Tabvunza VaKiwa, kuti vachakwanisa kugadzirisa gwaro ravo here sezviri kukurudzirwa izvi vakati vachazvigadzirisa.

Nhengo dzeparamende kubva kumatare eSeneti neNational Assembly dzichazeya gwaro rakaburitswa neAdhoc Committee iri nemusi weChipiri neChitatu svondo rinouya, uye paramende ichazotumira chisungo chayo pamusoro pegwaro rekutanga reZEC iri kana kuti Preliminary Delimitation Report kumutungamiriri wenyika nemusi weChina.

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti kana paramende ine zvichemo ichazvinyora pasi yozviendesa kumutungamiriri wenyika kuti vazivise ZEC.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika zvakare vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti gwaro rekomiti yeparamende pamusoro pegwaro reZEC raratidza pachena kuti ZEC haikwanise kuitisa sarudzo dzakachena munyika.

ZEC inosungirwa nemutemo kuburitsa gwaro rayo rekupedzisira kana kuti Final Delimitation Report musi wa28 mwedzi uno kuitira kuti rikwanise kushandiswa musarudzo dzegore rino.

'Kana gwaro iri rakange risati ravepo panosvika sarudzo zvinenge zvave kureva kuti sarudzo dzinenge dzave kuitwa pachishandiswa miganhu yakashandiswa musarudzo dza 2018.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG