Nyaya yekushungurudzwa kunonzi kuri kuitwa vatsigiri veCitizens Coalition for Change vanosanganisira mumiriri weZengeza West VaJob Sikhala, kupambwa nekumbunyikidzwa kwemumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Marova uye kurohwa kwevanhu vekwaMurehwa nevanhu vaizviti vatsigiri veZanu-PF kunonzi neimwe nhengo yedare reparamende reHouse of Lords kuBritain, Lord Jonny Oates vekuBritain zvikonzero zvekuti Zimbabwe isatambirwe kuve nhengo yeCommonwealth.
Lord Oates vanova nhengo yebato remaLiberal Democrats vakataura mashoko aya mudare reHouse of Commons nezuro. Vakati VaSikhala vari kugariswa mujeri vasina kana kutongwa kubva munaChikumi nechikonzero chekuti vaimirira Muzvare Moreblessing Ali avo vakapondwa neanofungidzirwa kuti mutsigiri weZanu-PF VaPius Jamba.
VaJamba vakatotenda kuti vakadeura ropa. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakashorwawo naLord Oates vachinzi vakapesvedzera mhirizhonga zvakazopa kuti imwe nhengo yeCitizens Coaliation for Change VaMboneni Ncube vapondwe kuKwekwe.
VaChiwenga vakaudza vatsigiri veZanu-PF kuti veCCC vachatswanywa kunge inda.
VaOates vakatiwo Zimbabwe iri kuramba ichidzikamitemo inodzvinyirira vanhu.
Mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba. Zimbabwe yakabuda muCommonwealth muna 2003 asi muna 2018 yakati yainge yoda kudzokera mugungano renyika dzaive pasi pehutongo hweBritain kunyanya iri.
Facebook Forum