Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reHuman Rights Watch raburitsa gwaro rinotarisa mamiririro akaita nyaya dzekodzero dzevanhu pasi rose kana kuti “World Report 2023” richiti Zimbabwe iri pakati penyika dziri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya.
Hurumende inonzi haisi kuferefeta mhosva dzekuitwa kafiramberi kana kupambwa kwevanhu.
Zimbabwe inonzi iri kudzika mitemo yakawanda inombunyikidza vanhu yakaita seCyber and Data Protection Act, Criminal Law (Codification and Reform) Act, 2006 nebhiri rekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organizations Bill.
Hurumende iri kushorwa nekutadza kuzadzikisa zvakakurudzirwa neCommission yevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Molanthe mushure mekupfurwa nekuurayiwa kwevanhu nemauto muguta reHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kana gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi rehurumemde kunyangwe tavatumira mibvunzo. Asi hurumende inoti mimwemitemo iyi yakanangana nevainoti vari kuda kupidigura hurumende kunyangwe vanopikisa vachiti ndezvemugotsi matsuro.
Asi vanokokera mabasa musangano reZimbabwe Human ngo Forum VaWilbert Mandinde ati gwaro iri rapotsa haro pakuti Hapana kudzikwa mutemo wekuti vanochengetedza mutemo vaendeswe kumatare vakatyora kodzero dzevanhu kana kuti Independent Complains Commission Bill kunyangwe vati komisheni yacho haina meno sezvo isiri kushanda.
Asi vati muZimbabwe maberekera hamo ingwe sezvo kodzero dzevanhu dzisiri kuremekedzwa.
Facebook Forum