Zviri Kuitika muAmerica
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Chizvarwa cheZimbabwe Chobatsira Vakawirwa neDambudziko reMafashamu eMvura kuCalifornia

Chimwe chizvarwa chekuZimbabwe chinotungamira sangano reConcerned Family amai Fortunate Hove Cooper vanoti sangano ravo riri kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura mudunhu reCalifornia muAmerica.
Vanhu gumi nevasere vakafa uye vamwe vakatsakatika mushure mekunge dzimba dzayeredzwa nemvura.
Hatisati tanzwa kuti pane vakashaya pane chizvarwa cheZimbabwe here. Amai Cooper vanoti sangano ravo ririkubatsira nechikafu chekudya nezvikwanisiro zvakasiyana siyana kune avo vari munharaunda yeku Riverside kwavanogara nekushandira muCalifornia.
"Zuva nezuva tirikupa vanhu chikafu, nezvikwanisiro zvakasiyana siyana kune avo vakawirwa nedambudziko remafashamu, nekuti dzimwe mhuri dzakarasikirwa nepekugara zvekuti vamwe tiri kuvabatsira kuti vawane pekugara pari zvino," Amai Cooper vaudza Studio7.
See all News Updates of the Day
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
America yoCherechedza nekuRemekedza Vatungamiri Vayo
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Chizvarwa cheZimbabwe VaMunyuki, Vorumbidzwa Mushure meKubatsira Mudzimai Wavo kuSununguka Vari muNzira yeKuenda kuChipatara muAmerica

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reSanatoga muPennyslyvania muAmerica, VaPaul Munyuki, vanoti vanotenda Mwari kuti vakakwanisa kubatsira mudzimai wavo, Kudzie, kuti abatsirwe nemwanasikana wavo wekutanga vari munzira yekuenda kuchipatara.
VaMunyuki vanoti vakawana rubatsiro kubva kunavana mazvikokota parunhare asi pakazosvika veamburenzi vakange vatokwanisa kubatsira mudzimai wavo kuti asununguke mwanasikana wavo wavakapa zita rekuti Namatayi.
Vanoti huwandu hwedzimotokari munzira yekuenda kuchipatara ndihwo hwakakonzera kuti vafunge kumbopaka motokari yavo parutivi pemugwagwa sezvo mwana akanga ave kutobuda.
"Ndakaona kuti pangange pasisina nguva yekuti ndirambe ndichityaira mota kuti tisvike kuchipatara sezvo mudzimai wangu anga avekutoratidza kurwadziwa zvakasimba uye ndakabva ndaona musoro wemwana wave kutobuda ndikafunga kuti zvange zviri nani kuti ndiite zvese zvandaikwanisa ndiri panyasi pemungwagwa," VaMunyuki vakadaro vachitaura neStudio7.
Mudzami wavo anoti anotenda Mwari nekuti zvinhu zvese zvakafamba zvakanaka uye pakazosvika nyanzvi dzezvehutano akange atobatsirwa ari mumotokara ari pachigaro chekumberi.
- Jonga Kandemiiri
Voice of America Inopemberera Makore Makumi Masere Yaumbwa

Nhepfenyuro yeVoice of America neChipiri yapemberera kusvitsa makore makumi masere kubva zvayakaparurwa muna 1942.
Voice of America inotepfenyura kuvanhu vanodarika mamiriyoni mazana matatu ane gumi nerimwe kana kuti 311 million pasvondo rega-rega pasi rose mumitauro makumi mana neminomwe, kana kuti 47, munyika dzinoda kusvika zana, kusanganisira muZimbabwe, umo inotepfenyura seStudio 7.
Zvirongwa zvayo zvinoburitswa pamasaisai anosanganisira marhedhiyo, materevhizheni, nharembozha nepamadandemutande pasi rose.
Chizvarwa cheZimbabwe uye vari muteereri mukuru weVoice of America, VaFrenk Guni, vanoti nhepfenyuro iyi yabatsira zvikuru kuwanisa vanhu mukana wekunzwa nhau dzakaringana dzine hunyanzvi zvaita kuti vaive nepfungwa yekuti yakanangana nekushandura dzihurumende, zvikuru mubato riri kutonga reZanu PF nemuhurumende, vave nemaonero matsva.
VaBiden Vanotaura Pamusoro peZvavaita Mugore Ravo reKutanga Vari paNyanga

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakazvirova dundundu nezuro vachiti kunyange hazvo gore ravo rekutanga vari muhofisi ranga riine zvipingaidzo zvakawanda, pane budiriro dzakawanda dzavakakwanisa kuita.
VaBiden vakati vakakwanisa kuti pave nemutemo wekurwisa denda reCovid-19 uchitsigirwa nemari inoita US$1.9trillion pamwe nekuva nemutemo wekuvandudza zvivakwa paine mari inoita US$1 trillion.
VaBiden vakatiwo huwandu hwevanhu vakabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 hwakakwira mugore ravo rekutanga vari panyanga.
Asi vakaratidza kushushikana kukuru nebhiri remutemo weBuild Back Better Bill, iro rakatambirwa nedare repasi, asi ranetsa kuti ribudirire mudare reSeneti.
Vakati bhiri iri, iro rine chinangwa chekubatsira vanhu munguva yematambudziko, rinogona kupatsanurwa, vakabvumawo kuti hurumende yavo yaifanirwa kunge yakawedzera mutsindo mukusimudzira kuwanikwa kwezvikwanisiro zvekuvheneka chirwere cheCovid-19.
VaBiden vakati chimwe chinhu chivasina kuita kusvika pari zvino, kwaiva kusakwezva madzishamwari avo mubato reRepublican Party kuti vapinde muhurongwa hwekuti zvinhu zvive nani munyika.
VaBiden vakatiwo vanofunga kuti Russia ichapinda zvechisimba mu Ukraine, vachiti America nemadzisahwira ayo ine zvirango zvisati zvambowonekwa zvayakagadzirira kutemera Russia kana ikaita izvi.
Asi Russia iri kuramba kuti ine hurongwa hwekupinda nechisimba muUkraine kunyange hazvo yazadza mauto ayo pamuganhu wayo neUkraine.
Vachitaura pamusoro pedenda reCovid-19 vari pamuzinda wavo we White House, VaBiden, avo vakamboshanda semutevedxzeri wemutungamiri wenyika munguva yaBarrack Obama, vakazivisa kuti zvikoro zviri kuvharwa nepamusana peCovid-19 zvishoma, vachiti zvikoro zvinoita zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana, hazvina kuvharwa. Vakati hurumende yavo iri kuita zvose zvainogona kuitira kuti denda reCovid-19 risaramba richishungurudza nyika.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachidzidzisa zvemabhizimisi paDeVry University, kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti VaBiden vakataura zvinhu zvinoda kunzwikwa nevanhu vazhinji muAmerica.
Muzvinafundo Masocha vanoti VaBiden vakaedza zvikuru kuda kugadzirisa zvinhu munyika kuburikidza nekuwana rutsigiro rwemari.
Asi vanoti zvimwe zvishuviro zvaVaBiden zviri kutadza kubudirira sezvo vasiri kuwana rutsigiro rwenhengo yebato ravo mudare reSeneti, Senator Joe Manchin, avo vane vhoti yakasimba mudare iri.
VaBiden vakakatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira 2021 vachitora basa raiva raVaDonald Trump, avo vakakunda musarudzo dzakaitwa muna Mbudzi 2020.
Facebook Forum