Accessibility links

Breaking News

Vemakereke Voshora Mhirizhonga yeZvematongerwo eNyika Yakaitika kuMurehwa North


Zimbabwe Council of Churches iri kushoropodzawo mhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Zvichitevera kushungurudzwa kwakaitwa nhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change kuMurewa North svondo rapera nevanofungidzirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF, vemakereke vari kushoropodza mhirizhonga iyi vachikurudzira vatungamiri vemapato kuti vatungamire mukumiswa kwemhirizhonga.

Dzimwe nhengo dzesangano reZimbabwe Catholic Bishops Conference dzanyora gwaro dzichishoropodza mhirizhonga iyi, dzichiti nyaya yemhirizhonga inokanganisa magariro evanhu, nekudaro mhirizhonga inofanirwa kumiswa zvachose.

NeChitatu sangano reZimbabwe Council of Churches rakaburitsawo gwaro richiti riri kushushikana uye kushamisika nemhirizhonga yekuMurehwa North iyi, apo nhengo dzinopikisa dzakaonekwa dzichirohwa zvakaipisisa nevechidiki vanonzi ndevebato riri kutonga.

Masangano aya pamwe nemamwe anorwira kodzero dzevanhu, ari kukurudzira mapurisa kuti aferefete uye kusunga vose vane chakuita nekukonzera mhirizhonga yezvematongerwo enyika asingatarise kuti munhu abuda mumba maani.

Asi vebato reZanu PF vanoti havaneyi nemhirizhonga yakaitika kuMurehwa North iyi, mutauriri webato iri VaChris Mutsvangwa vachikurudzira vanenge vashungurudzwa kuti vamhan'gare kumapurisa.

Mapurisa anogarawo achiramba kuti anotarisa kuti munhu abuda mumba maani panyaya dzemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Vanhu vatatu vanofungidzirwa kuti vane chekuita nemhirizhonga yekuMurehwa North iyi vasungwa kusvika pari zvino kunyange hazvo vasati vaziviswa kuti ndevebato ripi.

Reverend Everisto Chikanga, vekereke yeUnited Methodist Church vachitungamira Rebuilding Zimbabwe Party uye vari nhengo yePOLAD, vanoti zvinhu zvinorwadza zvikuru kana vanhu venyika imwechete, dunhu rimwechete, vachirwisana mune zvematongerwo enyika.

Reverend Chikanga vari kukurudzira vatungamiri vemakereke kuti vagare pasi nevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vachitaura pamusoro pehuipi hwemhirizhonga uye kuti vemapato vatsiure nhengo dzavo.

Mumwe mutungamiri wekereke, Apostle Simon Goshomi, veMirirai Jehovha Apostolic Church uye vari mutevedzeri wemutungamiri webato reZimbabwe Transformative Party, vanotiwo vanhu havasi kunzwisisa shoko riri kuparidzwa nekuti Mwari avanonamata haasi wemhirizhonga.

Apostle Goshomi vanoti zvinofanirwa kutangakubva kuvakuru, asi zvinozoipa kana vakuru vemakereke vakawanikwa ivo vachipinda mumapato ezvematongerwo enyika vachitungamira mhirizhonga, izvo zvinozoreva kuti vanenge vasisina mwoyo munyoro.

Hurukuro naReverend Everisto Chikanga pamwe naApostle Simon Goshomi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG