Accessibility links

Breaking News

Africa Diaspora Development Institute Yobatsira Chipatara cheParirenyatwa


Amau Arikana Chihombori-Quao
Amau Arikana Chihombori-Quao

Sangano reAfrican Diaspora Development Institute (ADDI) nhasi rabatsira chipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nezvinhu zvekushandisa pamwe nemishonga zvinokosha mazana mana ezviuru zvemadhora ekuAmerica (US$400 000) zvakatenga nemari yakaunganidzwa nevanhu vane madzinza emuAfrica asi vave kugara mhiri kwemakungwa.

Vachisvitsa zvinhu izvi kuvakuru vakuru vepachipatara ichi, mutungamiriri weAfrican Diaspora Development Institute, Dr Arikana Chihombori Quao, pamwe nemutevedzeri wavo, VaDamian Cook, vati zvinhu zvakatengwa nevatema vanogara kuDiaspora kwete zvizvarwa zveZimbabwe chete.

Amai Chihombori vatiwo vakatanga vabvunza chipatara ichi zvachaida vasati vatenga.

Dr Chihombori-Quao avo vakamboshanda pachipatara cheParinyatwa kuma1980 vanoti sangano ravo rakatanga kuunganidza mari yekubatsira zvipatara zvemuAfrica mushure mekuona kunetseka kwaita zvipatara izvi kuwana mishonga nezvimwe zvikwanisiro

Vatiwo sangano ravo richaramba richitenga mishonga nezvekushandisa muzvipatara zvemuAfrica vachiti kunze kweZimbabwe sangano ravo rakatobatsirawo zvimwe zvipatara kuGhana neZambia.

Rubatsiro urwu runouya apo chipatara cheParirenyantwa, sezvimwe zvipatara munyika, chakatarisana nedambudziko rekushaya zvekushandisa zvakakwana.

Mukuru wechipatara cheParirenyatwa, Dr Aspect Maunganidze, vati rubatsiro urwu rwwakakosha zvikuru.

Mazuva mashoma apfuura chipatara ichi change chiri kubuda mumapenhau nenyaya yekuti denga rechipatara ichi rainge richibvinza uyewo kuti zvimbuzi zvainge zvisiri kushanda zvakanaka.

Hurumende iri kutadza kupa bazi rezvehutano mari yakawanda sezvinodiwa pasi pechibvumirano cheAbuja Declaration chakanyoreranwa nenyika dzemuAfrica muna 1989 kuti zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15% zvemari yebhajeti zviende kubazi rezvehutano.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanogara vachitenda kuti imwe mari inopihwa bazi iri inobva kunyika dzekunze nemasangano akazvimirira oga.

Asi mukuru wemachiremba anoshanda akazvimirira, Dr Johannes Marisa,vanoti kunyange hazvo zvakanaka kuwana rubatsiro, hurumende inofanira kuisa mari yakakwana kubazi rezvehutano.

Kusamira zvakanaka kwezvinhu kuzvipatara ndiko kunonzi kunopa kuti vashandi vagare vachiramwa mabasa zvakazopa kuti hurumende idzike mutemo wekuda kuvarambidza kuita izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG