Accessibility links

Breaking News

Dare Roti VaWicknell Chivayo Vapihwe Imwe US$22 Million neZPC


Wicknell Chivhayo

Kambani yaVaWicknell Chivayo yeIntratrek Zimbabwe (Pvt) Ltd, yakanzi nedare nezuro ipihwe mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemaviri ekuAmerica kana kuti US$22 million nekambani yeZimbabwe Power Company iri kupomerwa mhosva ykutyora chibvumirano chainge chanyoreranwa.

Makambani maviri aya ang eave nemakore achinetsana pabasa rainge rapihwa kambani yaVaChivayo rekugadzira gwenya remagetsi rinoshandisa simba rezuva reGwanda Slar Power Station Project rainzi riitwe nekambani yeIntratrek Zimbabwe nemari inosvika mamiriyoni zana nemakumi manomwe nematatu kana kuti US$173 million.

Mutongi wdare VaSiyabonga Paul Msithu vakati VaChivayo havana chavainge vakanganisa pakakanzurwa chibvumirano ichi. Mushure mekunge VaChivayo vapihwa basa

iri, dare remakurukota rakati basa ritabga asi ZPC inonzi yakatsika madziro. VaChivayo vanoti vakapihwa mamiriyoni mashanu US$5 million yekutanga basa vakaita zvainge zvatauriranwa ZPC ikatosara nechikwereti chinosvika zviuru makumi matanhatu nemakumi mapfumbamwe nematatu kana kuti US$693 000.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG