Accessibility links

Breaking News

Reverend Lloyd Nyarota veUnited Methodist Church kuCanada Votaura nezveMabasa eKubatsira Avari Kubata Kumusha


Reverend Lloyd Nyarota veUnited Methodist Church kuCanada.
Reverend Lloyd Nyarota veUnited Methodist Church kuCanada.

Muchikamu chedu chatinoita hurukuro nezvizvarwa zvekuZimbabwe zviri kunze kwenyika, svondo rino taita rombo rakanaka rekubatana naReverend Lloyd Nyarota, vekereke yeUnited Methodist Church, avo vari muguta rinonzi Manning riri mudunhu reAlberta kuCanada.

Reverend Nyarota vakaberekwa mugore ra1970 kuSt. Thomas Mavhezha kuNyazura, vakazonogara naMbuya vabereka Mai vavo kuChitenderano.

Sezvo yaive nguva yehondo, vakazonopinda chikoro vakadzidza paVhengere Primary School neVhengere Secondary School kwaRusape.

Kuti vazvibatsire nekuwedzera mari yechikoro, Reverend Nyarota vanoti vaiita mabasa emaoko anosanganisira kutengesa zvekudya nemuchero zvakasiyanasiyana pamusika weVhengere.

Sezvo vakanga vave kuenda kukereke paVhengere United Methodist, vakazoita rombo rakanaka rekutorwa naBaba naMai Harahwa, avo vaive nemabhizimusi makare maRusape, kuti vavabatsire kushanda muimba yavo yekudyira, pamwe nekuita mabasa epanze kumba.

Vakazoshandawo zvakare semukokeri webhazi pamwe nekuita mamwe mabasa akasiyanasiyana.

Reverend Nyarota vakazoita zvidzidzo zvehufundisi vakasnada mumatunhu akasiyanasiyana enyik vari kushumira kukereke yeUnited Methodist Church.

Vakazosimuka muna 2015 vachitevera mhuri yavo yakanga yave kuCanada uko mudzimai wavo, vanove zvakare mufundisi weUnited Methodist Church, vari kushanda vari.

Pari zvino Reverend Nyarota vari kubata vari paSt. John's Unitd Anglican Church, mubatanidzwa weUnited Methodist Church neAnglican Church vari kuManning, kwakare kuCanada.

Vanoti vari kubatsira zvakanyanya kumusha kuburikidza nekubhadharira vana mari dzechikoro, kuvaka makereke nezvimwe zvakawanda

Munguva yeCyclone Idai , Reverend Nyarota vakabatsira zvakare nekuunganidza mari yakasvika zviuru makumi mapfumbamwe zvemadhora ekuAmerica, kana kuti US$90 000.00, yakashandiswa mukubatsira vakawirwa netsaona iyi kuChimanimani neChipinge.

Hurukuro naReverend Lloyd Nyarota
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG