Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inounza Mutemo Unorambidza Vakoti naVanachiremba Kuratidzira kweNguva Yakareba


Vashandi vezvehutano vachiratidzira. Mutemo mutsva wave kuvarambidza kuita izvi.
Vashandi vezvehutano vachiratidzira. Mutemo mutsva wave kuvarambidza kuita izvi.

Hurumende yaunza mutemo wekuti vakoti, vanachiremba nevamwe vashandi vezvehutano vari pasi pehurumende vasaratidzire kwenguva yakareba uye vanotyora mutemo uyu vanokandwa mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Mutemo uyu, weHealth Services Amendment Act, wakatosainwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChipiri.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vatiwo vashandi vehurumende havasi kuzobvumidzwa kuramwa mabasa kwemazuva matatu akatevedzana mumavhiki maviri.

Vatiwo pavanenge vachiramwa mabasa vanofanira kuramba vachibatsira varwere.

Vakoti vachiratidzira, izvo zvisisabvumidzwe nemutemo mutsva.
Vakoti vachiratidzira, izvo zvisisabvumidzwe nemutemo mutsva.

Asi mutungamiri werimwe sangano rinomirira vakoti, reZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vari kushoropodza mutemo mutsva uyu vachiti unosunga mashandiro evashandi vezvehutano muhurumende pamwe nekuvatorera kodzero dzavo.

VaDongo vanoti mutemo uyu uchatowedzera matambudziko agara ari muboka rezvehutano ari kupa kuti vakawanda vasiye basa vachinotsvaga mafuro manyoro munyika dzemuSADC, kuBritain, Australia nedzimwe.

Vanoti ivo sevashandi havana kupawo pfungwa dzavo pakaumbwa mutemo uyu, uye hauna kugarirwa pasi nevana veZimbabwe, asi kuti wakagadzirwa nevanhu vashomashoma, avo vakasunga kuti vashandi vemuzvipatara zvehurumende havafanirwe kunyunyuta kuti havana mishonga kana zvekushandisa mumabasa mavo.

VaDongo vanokurudzira kuti mutungamiri wenyika vaone kuti mutemo uyu watarisiswa zvakare.

Vashandi vehurumende vagara vachinyunyuta nemihoro yavari kutambiriswa pamwe nemashandiro avari kuita, izvo zvinomboita kuti varamwe mabasa.

Asi hurumende inogara ichivimbisa kuti iri kutarisa zvichemo zvavo izvi.

Hurukuro naVaEnock Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG