Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kukurudzira hurumende pamwe nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, (R-B-Z), kuti vatore matanho akasimba ekumisa kutambarara kwemusika mutema wemari yekunze, dzichiti hazvina zvazvinobatsira kungotaura chete pasina zvirango.
Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa svondo rapera nebhanga reReserve Bank of Zimbabwe, ekuyambira vemakambani anotengesera hurumende zvinhu kana anoitira hurumende mabasa achangobva kubhadharwa nehurumende kuti asiyane nkutenga kana kutengeswa mari yekunze pamusika mutema kuitira kuti mitengo yezvinhu irambe yakagadzikana.
Vanoongorora zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti vanowirirana nedanho rakatorwa neR-B-Z rekuyambira vemakambani anoita bhizimusi nehurumende iri, asi vachiyambira bhanga guru iri kuti riratidze kuti rine meno, kwete zvekungovukura pasina matanho arinotora.
Nyanzvi mune zvehupfumi vari zvakare nyanzvi mune zvekudyidzana nedzimwe nyika dzapasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kusadzikama kwemitengo yezvinhu pamwe nekusimuka kwemusika mutema wemari yekunze kuri kukonzerwa nezvakawanda zvinosanganisira zvimwe zvinoitwa naiyo hurumende, vemabhizimusi mari yekunze panguva yavanenge vachiida.
Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoti kushandiswa zvakanyanya kwemari yekunze nevemabhizimusi kunogona kuita kuti dambudziko remusika mutema risapedzwa nyore.
Mukuru wesangano revanotengesera mumigwagwa, reVendors’ Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, VaSamuel Wadzayi, vanopindawo vachisimbisa nyaya yekuti patorwe matanho akaomarara anoita kuti ani nani zvake ari kuita zvemusika mutema afunge kaviri
VaWadzayi vanoyambira kuti R-B-Z haifanirwe kungopomera vemabhizimusi mhosva yekusimudzira musika mutema.
Gore rapera R-B-Z yakazivisa kuti yakanga yatora matanho akasiyanasiyana ekudzikamisa huremu hwedhora remunyika, anosanganisira ekutengeswa kwemapeni egoridhe, kuri kuitira kuti iedze kutsvaira mari dzayaiiti dziri kutenderera pamusika mutema.
Mamwe matanho akatorwa neR-B-Z ndeekuburitsa pajekerere mazita emakambani nevanhu vainzi vaiita zvekufambiswa kwemari pamusika mutema senzira yekuvafumira, uye kumbovamisa kutenga mari pamusika wemari yekunze webhanga iri, pamwe nekuvamisa zvakare kuita bhizinesi nehurumende kwenguva.
Asi dzimwe nyanzvi dziri kuti kwese uku kwaingove kuteya nzou neriva sezvo musika mutema uchinzi vasimuka zvakare.
Nemusi weChipiri dhora rekuAmerica rinonzi ranga richitengeswa pamusika mutema nemutengo uri pakati pemadhora mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu emari yemunyika, kana kuti ZWL$950.00 kusvika kuchiuru chemadhora emunyika kana kuti ZWL$1000.00 padhora rimwe chete rekuAmerica, zvichisiyana nekuti munhu ari kutengesa mari yakawanda zvakadii.
Kumabhanga dhora rekuAmerica rinonzi ranga richitengeswa nemadhora emunyika mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nerimwe, kana kuti ZWL$691.00.
Facebook Forum