Accessibility links

Breaking News

Mumwe Arikumirirwa naVaMadhuku Oronga Kuendesa ZEC neParamende kuMatare neNyaya yeKuganhurwa kweMatunhu Kuitira Sarudzo


Sachigaro weZEC Justine Priscilla Chigumba
Sachigaro weZEC Justine Priscilla Chigumba

Gweta Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti wavari kumirira VaTonderai Chidawa, vanogona kukwira kumatare kuti paramende imire kuzeya gwaro rekuganhurwa kwematunhu kana kuti Preliminary Delimitation Report sezvo vachiti harisi pamutemo.

VaMadhuku vachimirira VaChidawa, vakanyorera tsamba kudare reparamende vachiti gwaro rariri kuzeya harina kuitwa zviri pamutemo. Mutsamba iyi vakati vasati vatora matanho vaida mhinduro mukupera kwezuva ranezuro kubva kudare reparamende.

VaChidawa vari kuti gwaro rekutanga rakabva kuZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC c rakapihwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neparamende rakasainwa nasachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba nemutevedzeri wavo chete asi mamwe makomishina manomwe akaramba kusaina achibva anyorera VaMnangagwa tsamba vachiti havanei naro.

Asi vachipindura VaMadhuku mutsamba iri mumaoko eStudio 7, mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vati gwaro ravari kuzeya rakaunzwa kudare zviri pamutemo nemutungamiri wenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG