Accessibility links

Breaking News

Madzibaba veShanduko Vanoti Sabhuku Ari Kuda Kuvapondera Musagi


Madzibaba VeShanduko
Madzibaba VeShanduko

Mutsigiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaGodfery Karembera vanozivikanwa nekuti Madzibaba veShanduko vaudza Studio 7 kuti Sabhuku Everisto Chidembo venzvimbo yavanogara kuGuruve, Mashonaland Central ari kuyedza kuda kuvadzinga pamusha pavo.

Asi vanoti vane chivimbo chekuti kupindira kwaIshe wenzvimbo iyi, VaChiporiro vakaberekwa vachinzi Clever Mashiki kuchavabatsira.

Madzibaba veShanduko vanoti vakaendeswa kudare raIshe Chiporiro mukupera kweSvondo uye ishe ava vakati vachashanyira nzvimbo yavakavakidzana nasabhuku vasati vapa mutongo wavo. Hatina kukwanisa kubata Ishe Chiporiro kana Sabhuku Chidembo sezvo nhare dzavo dzange dzisiri kupinda.

Madzibaba veShanduko vanozivikanwa zvikuru nekutsigira bato reCCC uye gore rapera vakamborohwa zvakaipisisa kukamba yemapurisa vachipomerwa mhosva yekuda kuputsa chiumbwa chaMbuya Nehanda asi nyaya iyi yakazoraswa nemapurisa nekushaya humbowo ndokuzovapomera imwe yekuda kukonzera kusagadzikana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG