Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Rinoti Gwaro reKuganhurwa kweMatunhu reZEC Ngarigadziriswe


Muzvare Fadzayi Mahere mutauriri webato re Citizens’ Coalition for Change
Muzvare Fadzayi Mahere mutauriri webato re Citizens’ Coalition for Change

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti gwaro rekutanga rekutarwa kwemiganhu kana kuti preliminary delimitation report rakaitwa neZimbabwe Electoral Commission (ZEC) rakasvitswa kudare reparamende neChishanu rinoda kugadziriswa kuti rishandiswe musarudzo dziri kutarisirwa gore rino.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, mutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere vati bato ravo rinoda kupiwa gwaro revavhoti iro rinobatsira zvakanyanya mukuongorora gwaro rekutarwa kwemiganhu.

Vatiwo vari kunyunyuta nekwavanoti kusatevedzerwa kwebumbiro remitemo yenyika iro rinoti vavhoti vanofanirwa kuva vakaenzana mudunhu rega rega (Constituency) uye izvi zvikasaitika havafanirwi kuva vakawandisa kana kushomeka kupfuura zvikamu makumi maviri kubva muzana.

Bato CCC ratiwo harigutsikani kekutarwa kwemiganhu sezvo pagwaro rakabudiswa neZEC zvichiratidza kuti matunhu akawandira kumaruwa zvichienzaniswa nemadhorobha zvisinei nehuwandu hwevavhoti.

Bumbiro remitemo wenyika rinotiwo gwaro rekutarwa kwemiganhu rikasabudiswa mwedzi mitanhatu sarudzo dzisati dzaitwa, miganhu yakashandiswa musarudzo dzapera ndiyo inoshanda.

Kutarwa kwemiganhu kwakapedzisira kuitwa muna2007 kuchigadzirirwa sarudzo dza2008. Vakafanobata chigaro chemutevedzeri anoona nezvesarudzo mubato reTripple C Amai Ellen Shiriyedenda vati gwaro remiganhu rinofanirwa kugadziriswa kuti rishandiswe musarudzo dzegore rino vachiti hazvigoni kushandisa miganhu yakatarwa muna 2007.

Nyanzvi munezvesarudzo uye vaimboshanda nesangano rakazvimiririra rinonzi International Foundation for Electoral Systems VaFarai Mukuta vaudzawo studio 7 kuti vanoshamiswa negwaro reZEC sezvo risiri kutevedzera bumbiro remitemo yenyika.

VaMukuta vatiwo ZEC inofanirwa kubuditsa gwaro revavhoti repamadandemutande kana kuti electronic voters roll kuti vanhu vagutsikane nehuwandu hwevavhoti hwakashandiswa mukutara miganhu iyi.

Mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana vati titaure nemukuru anoona nezvesarudzo VaUtoile Silaigwana avo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo. Patazivisa VaMangwana kuti VaSilaigwana vanga vasingabatiki, VaMangwana vati titumire mibvunzo yedu, iyo yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rakazvimiririra reZimbabwe Election Support Network (ZESN) Amai Ellen Dingani vatiwo sangano ravo richirikuongorora gwaro redelimitation iri uye vachazotaura nesu kana vapedza kuongorora gwaro rese.

Paramende yakatoumba komiti ichatungamiria mukuongorora gwaro iri. Bumbiro remitemo yenyika rinoti gwaro rekutarwa kwemiganhu iri rinogona kudzoserwa kuZEC kana pane zvinoda kugadziriswa. Asi ZEC ndiyo ine masimba ekubudisa gwaro remiganhu iri kana kuti final delimitation report. Kutarwa kwemiganhu kunoitwa mushure memakore gumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG