Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Votadza Kumira Pamberi peDare Sezvo Vave Kurwarisa


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vanonzi varwara zvakaipisisa zvekuti anachiremba vakurudzira kuti vambomira kuunzwa kumatare kwemasvondo maviri ari kutevera vachimborapwa.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaHarrison Nkomo vaudza dare kuti anachiremba vavo pamwe nevehurumende vakaongorora VaSikhala vari kujeri mukupera kwesvondo zvikaonekwa kuti vari kurwara zvakaomarara nemudumbu.

Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa naVaSikhala akanangana negoredzva vachiti vari kufungidzira kuti vane chirwere chegomarara.

VaNkomo vaudza dare kuti anachiremba ava vakapa kurudziro yekuti VaSikhala vambozorora uye vaongororwe zvakare mumazuva mashoma ari kutevera zvichitevera kurwara kwavari kuita.

Rimwe remagweta avo, VaJeremiah Bamu, vatenda kuti izvi ndizvo zvavaudza dare. Nokuda kwekurwara uku, magweta avo ati achasvitsa chimwe chikumbiro kudare chiri muzvinyorwa chekuti mamwe magwaro emhosva akapaihwa VaSikhala nyaya yavari kupomerwa yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare kwatanga asatambirwe nedare.

Mutongi wedare, Amai Marehwanazvo Gofa vati vachatura mutongo wavo pachikumbiro ichi kana vachuchisi venyaya iyi vasvitsawo magwaro emhinduro yavo kudare pachikumbiro ichi.

Amai Gofa varasawo chikumbiro chaVaSikhala chekuti kutongwa kwenyaya yavari kupomerwa iyi kuburitswe pamadandemutande nepadzinhepfenyuro panguva iyoyo inenge ichitongwa nyaya iyi mudare.

Vati hapana mutemo unotsigira izvi vachitiwo kubuditswa kwakaitwa nyaya yesarudzo pachivhitivhiti yakakwidzwa naVaNelson Chamisa mushure mesarudzo dzemuna 2018 dzavanoti dzakabirirwa yaive nyaya yanga yakatarisirwa nemunhu wese munyika yavati yakasiyana neyaVaSikhala avo vakanga vaudza dare kuti hama dzavo pamwe nevanhu vemuZengeza West vavanomirira vari kuda kuziva mafambisirwo ari kuitwa nyaya yavo. VaBamu vaudza Studio 7 kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.

VaSikhala vari kupomerwawo zvakare imwe mhosva yekukurudzira mhirizhonga kuNyatsime zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa nhengo yebato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali, nevanofungidzirwa kuti inhengo yebato reZanu PF, VaPius Jamba Mukandi avo vakatobvuma mhosva iyi mudare.

VaSikhala vanga vakatarisirwa kutanga kutongwa neChitautu nenyaya iyi asi magweta avo ati izvi zvinogona kutadza kubudirira nekuda kwekurwara kwavari kuita.

Hama dzemufi dzinoti hadzisi kuzovinga mutumbi waMuzvare Ali kudzamara VaSikhala, avo vave nemazuva anodarika mazana maviri vari mujeri, vabuditswa muhusungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG