Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Vatsigiri Vayo Vakarohwa Vakabuda paVhidhiyo Iri Kutenderera Vave Muchipatara


Muzvare Fadzayi Mahere CCC
Muzvare Fadzayi Mahere CCC

Mutauriri webato reCitizen Coalition for Change Muzvare Fadzayi Mahere vanoti nhengo dzebato ravo dziri kubuda pavhidhiyo dzichirohwa nevaizviti vatsigiri veZanu-PF dzave muchipatara.

Muzvare Mahere vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa uye vanovimba kuti vakaita izvi vachasungwa. Bato iri rati ratumira vanhu kunoongorora zvakaitika.

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanuPF VaTafadzwa Mugwadi vakurudzira mapurisa kuti aferefete nyaya iyi vachiti havasati vave nehumbowo hwekuti vakazviita ndevebato ravo.

Nezuro mapurisa eZimbabwe Republic Police akazivisa padandemutande reTwitter kuti ainge aona vhidhiyo riri kutenderera pamadandemutande revanhu vari kurohwa mune inofungidzirwa kuti imhirizhonga yezvematongerwo enyika kuMurehwa North.

Mapurisa akavimbisa kuti achapa mashoko azere pamusoro pechiitiko ichi munguva inotevera. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe kuti vasvika papi sezvo nharembozha yavo yange isiri kubatika.

Vhidhiyo iri rinoratidza kuti vatsigiri vebato reCCC vanozorohwa ava vanga vaungana pane mumwe musha vachida kuita musangano wavo asi musangano uyu unozovhiringidzwa nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu-PF ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG