Accessibility links

Breaking News

Bazi reHutano Rinoti Rakagadzirira Zvakakwana Kudzivirira Kukwira kweDenda reCovid-19 Zvakare seZvave Kuitika Mune Dzimwe Nyika


Bazi rezvehutano rinoti rine nhomba yakakwana kudzivirira Covid-19.

bazi rezvehutano rinoti rakagadzirira zvakakwana kurwisana nedenda re covid-19 kana rakada kusimuka zvakare sezvave kuitika kune dzimwe nyika. Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti nyika ine nhomba dzakakwana uye vashandi vebazi ravo havana kumira kubaya vanhu nhomba yekudzivirira hutachiwana hunokonzera denda iri. VaMujiri vanotiwo hurongwa hwakaparurwa nebazi ravo kubva musi wa 01 Zvita kusvika musi wa 30 Zvita hwekukurudzira veruzhinji kubaiwa nhomba hwakafamba zvakana chose uye veruzhinji vakabaiwa nhomba munguva iyi. Covid-19 inonzi iri kukwira mune dzimwe nyika dzakaita se China neAmerica. Ngatinzweyi vamujiri vachitsanangura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG