Accessibility links

Breaking News

Gwaro reKutarwa kweMatunhu Rakaturwa muParamende Rokonzera Mutauro muNyika


Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi vachisvika paparamende neChishanu.

Gwaro rekutarwa kwematunhu rakasvitswa kuparamende neChishanu rinonzi rasimudza mutauro wakanyanya munyika vanhu vachipa maonero avo akasiyanasiyana.

Vamwe vanosanganisira mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti gwaro iri, iro rakaumbwa neZimbabwe Electoral commission, ZEC, mushure mekuverengwa kwevanhu gore rapera, rinopa bato riri kutonga reZanu PF mukana wakakura wekukunda musarudzo.

Doctor Zembe vanoti semuenzaniso, matunhu aive pasi pebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change anoti Warren Park neKambuzuma akaparadzwa kuchiumbwa matunhu anoti Churu, neHunyani, uko kunozivikanwa kuti kune rutsigiro rwaZanu PF rwakawanda.

Doctor Zembe vanotiwo kubatanidzwa batanidzwa kwakaitwa mamwe matunhu munzvimbo dzakaita seBulawayo kune zvimwe zvakahwanda zvakunoreva, zvinogona kuwedzera mukana webato riri kutonga reZanu PF kukunda mumatunhu aya.

Asi nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza, avo vari kuBritain, vanoti aya manyepo kuti gwaro iri riri kutsigiri Zanu PF, vachiti bato ravo riri kutochemawo sezviri kuitwa nemamwe mapato asiri kuritambira.

Doctor Mavaza vanoti gwaro iri rakaitwa neZEC iyo ine vanhu vane hunyanzvi hwepamusoro munyaya dzekutarwa kwematunhu, uye havangatarisiri kuti rifadze munhu wese.

Hurukuro naVaUrayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaMasimba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG