Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oferefeta Vhidhiyo Riri Kuratidza Vanonzi Inhengo dzeCCC kuMurehwa North Vari kuShungurudzwa Mune zveMatongerwo eNyika


Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi
Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi

Mapurisa eZimbabwe Republic Police azivisa kuti aona vhidhiyo riri kutenderera pamadandemutande revanhu vari kurohwa mune inofungidzirwa kuti imhirizhonga yezvematongerwo enyika kuMurehwa North.

Mashoko aaburitsa, mapurisa ati ave kuferefeta chiitiko ichi, icho chinoratidza vanhu vanonzi inhengo dzebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change kuWard 4 kuMurehwa North dziri vachirohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.

Mapurisa avimbisa kuti achapa mashoko azere pamusoro pechiitiko ichi munguva inotevera.

Vhidhiyo iri rinoratidza kuti vatsigiri vebato reCCC vanozorohwa ava vanga vaungana pane mumwe musha vachida kuita musangano wavo asi musangano uyu unozovhiringidzwa nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu PF ava avo vakasvika pamusha uyu vaine mipuro yavanozoonekwa vachishandisa kurova vakweguri ava.

Bato reCCC ragara richinyunyuta nekwarinoti kushungurudzwa kwenhengo dzaro nevatsigiri veZanu PF, uye rinopomerawo mapurisa mhosva yekutarisa rutivi panoshungurudzwa nhengo dzaro.

Asi veZanu PF vanoramba zvipomerwa izvi vachiti vari kungozorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Ukuwo, mapurisa anotiwo anoshandisa mutemo asingatarise kuti munhu abuda mumba maani.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG