Accessibility links

Breaking News

VaKevin McCarthy veBato reRepublican Vanosarudzwa Kuve Mutauriri weParamende yeAmerica


Mutauriri mutsva wedare reparamende muAmerica, VaKevin McCarthy
Mutauriri mutsva wedare reparamende muAmerica, VaKevin McCarthy

Nhengo yebato rinopikisa muAmerica, reRepublican Party, VaKevin McCarthy, vazodomwa kuve mutauriri wedare reparamende, reU.S. House of Representatives, mushure mekukundikana kuwana chigaro ichi mukati memazuva mashanu ekuvhota kwenhengo dzedare iri kanokwana kuita kagumi nekana. VaMcCarthy, vanomirira California, vazokwanisa kuwana mavhoti anodiwa mukuvhotwa kwaitwa kechigumi neshanu mambakwedza.

Bato raVaMcCarthy ndiro rine nhengo dzakawanda mudare repasi iri asi vakanga vachitadziswa kuwana mavhoti anodiwa anoita mazana maviri negumi nemasere nekuda kwekuti dzimwe nhengo makumi maviri dzebato ravo dzakanga dzisingavavhoteri sezvo dzaifunga kuti vakanga vasina kukodzera kutora chigaro ichi.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vaburitsa gwaro rekukorokotedza VaMcCarthy, vachiti “Ndakagadzirira kushanda nenhengo dzebato reRepublican pandinokwanisa uye vavhoti vakaratidza pachena kuti vebato reRepublican vakagadzirira kushandawo neni.”

Kusarudzwa kwaVaMcCarthy, avo vane makore makumi mashanu nemanomwe (57) ekuberekwa, kwave kureva kuti pasi pebumbiro remitemo yeAmerica ndivo vave munhu wechipiri pakutora chigaro chemutungamiri wenyika.

VaMcCarthy vanga vave nemakore akawanda vachiedza kutora chigaro chemutauriri weparamende ichi, uye mumasvondo adarika aya vakaita misangano ine chitsama nenhengo dzebato ravo vachiedza kuzvishambadza kuti dzivavhotere.

Asi vanotungamira nhengo dzebato reDemocratic Party mudare reSenate, VaChuck Schumer, vayambira kuburikidza negwaro ravaburitsa kuti kusarudzwa kwaVaMcCarthy kunogona kushusha vanhu vemuAmerica.

VaSchumer vati kuti VaMcCarthy vakwanise kuwana chigaro ichi vakazvipeta vakatambira zvaidiwa nechikwata chenhengo dzebato ravo reRepublican Party chaivapikisa.

Bato reRepublican rinotungamira mudare reparamende yechizana negumi nesere kana kuti 118, riine nhengo mazana maviri nemakumi maviri (222) kuchitiwo riri kutonga reDemocartic Party riine nhengo mazana maviri negumi nembiri (212) paine chigaro chimwe chete chisina munhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG