Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dzaishanda paPurazi reMpapa Dzogara Pamhene Mushure meKutorwa Kwepurazi Iri


Vashandi vepurazi reMpapa kuMwenezi vakaburitsirwa midziyo panze mushure mekutorwa kwepurazi.

Mhuri dzinokwana makumi matatu neshanu dzaishanda papurazi reMpapa kuMwenezi mudunhu reMasvingo dzakasara dzisisina pekugara mushure mekutorwa kwepurazi iri nevamwe varume vanofungirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF.

Mhuri idzi dzave kugara pamhene mushure mekunge varungu vadzaishandira, VaShane Warth nemudzimai wavo Amai Denise Warth vabviswa papurazi ravo rairima nzimbe iri musi wa 31 Zvita gore rapera.

Mhuri yaVaWarth pamwe nevashandi vayo vakabudiswa papurazi apa mushure mekunge vasvitswa magwaro ekuvabvisa ainzi aibva kudare redzimhosva mushure mekugoverwa patsva kwepurazi ravo richipuwa VaWebster Cuthbert Muzara naVaEmmanuel Mandipa Chuguba, avo vanonzi inhengo dzakasimba dzemusangano unotonga weZanu PF.

Varimi VaShane naMai Denise Warth
Varimi VaShane naMai Denise Warth

Vachitaura neStudio 7, VaWarth vati purazi iri vakaripuwa mugore 1989 semudyandigere nekambani yeshuga yeTriangle, mushure mekushandira kambani iyi kwemakore gumi.

Vanoti vanorwadziwa zvikuru nekurasikirwa nepurazi ravo remahekita makumi mana, iro ravakavandudza kwemakore makumi matatu nematatu.

VaWarth, avo vakazvarirwa pachipatara cheMasvingo General Hospital mugore ra 1957 munguva yehurumende yeRhodesia, vanoti vakazoshandisa mari dzinopfuura zviuru mazana masere zvemadhora ekuAmerica kuvandudza purazi iri vachirima nzimbe dzekutengesera kambani yeTongaart Hullets, inogaya shuga.

Kutorwa kwepurazi iri kwakasiyawo vashandi vavo nemhuri dzavo vasina kwekuenda sezvo vamwe vakange vakatopuwa pekuvakira misha imomo.

Vazhinji vakaita saVaTatenda Mufundisi, vanoti vari kugara pamhene apo vakatarisana nedambudziko rekunaiwa nemvura iriko mazuvano, ukuwo midziyo yavo ichiparara.

Vamwewo vakaita saVaThemba Ncube vanoti vari kutsutsumwa zvikuru nekuti havana kumwe kwavachawana basa nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Nzimbe dzepapurazi reMpapa kuMwenezi.
Nzimbe dzepapurazi reMpapa kuMwenezi.

Vashandi ava vanoti vana vavo vazhinji vatorasikirwa nedzidzo nekuti murungu wavo aivabhadhariwamari dzechikoro semutendo wekushandirwa zvakanaka.

Vachitaurawo neStudio 7, Amai Denise Warth vanoti chinovashamisa ndechekuti vakavabvisa papurazi ravo ava vakauya vachitora nzimbe dzasvika dzakanga dzave kutoda kunotengeswa.

Vakati ivo mukuru webazi rezveminda mudunhu reMwenezi, VaBoaz Vurirai, vakatsikatsika kuti sei vakatorera zvizvarwa zvenyika purazi razvakapuwawo semudyandigere nekambani.

Asi VaVurirai vati havazivi nezvenyaya iyi uye mhuri yekwa Warth havaizivi.

Ukuwo mukuru webazi iri mudunhu reMasvingo, Amai Charity Mumera, vati havana chekutaura panyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rebazi rinoona nezvekurima, Doctor Anxious Masuka sezvo nhare yavo yangaisingapindi.

Studio 7 yatadzazve kubata VaMuzara naVaChiguba kuti tinzwe divi ravo.

Sachigaro vebato reZanu PF muMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa, vati bato ravo haritauri nezvenyaya dzeminda idzo vati dzinoitwa nebazi rehurumende rinoona nezvekurima nekugoverwa patsva kweminda.

Nyaya ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG