Accessibility links

Breaking News

Paramende Inodoma Komiti Ichaongorora Gwaro reKutarwa kweMatunhu, rePreliminary Delimitation Report


Nhengo yeZanu PF inomirira Gutu South, VaPupurai Togarepi

Paramende nhasi yadoma komiti ine nhengo gumi nenhatu ichaongorora nekunzvera gwaro rekutanga rekutarwa kwemiganhu yamatunhu ichashandiswa musarudzo, kana kuti Preliminary Delimitatiom Report.

Komiti iyi, iyo ichange ichitungamirwa nevanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurayi Togarepi, ichatura gwaro rayo kuparamende musi wa13 mwedzi uno.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wedare reNational Assembly, Doctor Tatenda Mavetera, vazivisa kuti komiti yeStanding Rules and Orders yadoma nhengo idzi kubva kumapato ese ari muparamende mushure mekunge gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vatura gwaro rePreliminary Delimitation Report kumatare eNational Assembly neSeneti.

Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzinosanganisira Senator Tsitsi Muzenda, VaKenneth Musanhi, Amai Chido Madiwa naVaDexter Nduna kubva kuZanu PF, VaDouglas Mwonzora naVaDavid Tekeshe kubva kuMDC naVaAnele Ndebele naVaPrince Dubeko Sibanda kubva kuCitizens Coalition for Change.

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi vachipinda muparamende.
Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi vachipinda muparamende.

Zvichitevera kuturwa kwegwaro iri mudare nhasi, VaTogarepi vabva vakumbira dare kuti riumbe komiti iyi kuti inzvere gwaro iri risati razeyiwa nenhengo dzese dzematare eNational Assembly musi 17 na18 Mwedzi uno.

Izvi zvatambirwa nenhengo dzese dzeparamende asi dzati dzange dzisiri kufara kuti gwaro radzatumirwa pamadandemutande range risina zvinhu zvakakwana.

Nhengo kubva kumapato anopikisa dzati dzinodawo gwaro revavhoti rakashandiswa kutara miganhu, pamwe negarwo rezvekabuda mukuverengwa kwevanhu reCensus, kuti dzikwanise kunzwisisa kuti Zimbabwe Electoral Commission yakazvifambisa sei payakatara miganhu yematunhu ekuvhotera.

Asi Doctor Mavetera vati izvi ndizvo zvinofanira kubuda pachazeiwa gwaro iri musi wa17 na18 mwedzi uno.

Zvichakadai.vachitaura mushure memusangano waitwa muparamende nhasi, vanokokera nhengo dzeMDC muparamende, VaDavid Tekeshe, vati vanofara kuva nhengo yekomiti ichanzvera gwaro iri risati razeiwa mumatare eNational Assembly neSeneti.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weCCC, VaTendai Biti, vaudza Studio 7 kuti vatambira gwaro raturwa nhasi uye vave kuriongorora vasati vazivisa pavamire sebato.

Patabvunza VaBiti kuti vachaitasei sebato kana vasina kufara negwaro iri, ivo vati.....

Imwe nhengo yeAd Hoc komiti iyi, VaDexter Nduna VeZanu PF vaudza Studio 7 kuti vafara chose kuve nhengo yekomiti ichaongorora kuti gwaro iri roshandiswa musarudzo dzegore rino here kana kuti kwete?

Vanoti vachaongororawo kuti mutemo wakatevedzwa here apo Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakagadzira gwaro iri.

Komiti yaVaTogarepi iyi ichatura gwaro rayo kuparamende musi wa13 mwedzi uno uye matare eNational Assembly neSeneti achazeya gwaro iri musi wa17na18 mwedzi uno, paramende ichizotumira zvinenge zvabuda muhurukuro dzayo kumutungamiriri wenyika musi wa 19 avo vanofanira kuzozvisvitsa kuZEC.

VaPrince Dubeko Sibanda veCCC.
VaPrince Dubeko Sibanda veCCC.

Pasi pemutemo wenyika, ZEC inosungirwa kunge yatambira nekunzvera zvese izvi isati yaburitsa gwaro rayo rekupedzisira kana kuti Final Delimitation Report musi wa28 mwedzi uno.

Kana izvi zvikatadza kuitika kana kuti mapato ezvematongerwo enyika akaramba gwaro reZEC iri, zvinenge zvave kureva kuti miganhu yakashandiswa musarudzo dza2018 ndiyo ichashandiswa zvakare musarudzo dzegore rino.

Miganhu inoshandiswa pasurudzo inotarwa mushure memakore.gumi ega ega zvichitevera kuverengwa kwevanhu munyika kana kuti National Census.

Gwaro rePreliminary Delimitation Report rinoratidza kuti dunhu reHarare rave nematunhu ekuvhotera kana kuti Constituencies, makumi matatu uyewo hapasisina matunhu akaita seWarren Park neKambuzuma.

Harare yave nematunhu matsva anoti Hunyani, Churu, Budiriro North neSouth, kozoti Epworh North neSouth.

Masvingo yaramba iine matunhu ekuvhotera makumi maviri nematanhatu kunyange hazvo pasisina matunhu akaita seGutu South.

Zvimwe zvikuru zvabuda mugwaro rekutarwa kwematunhu iri ndezvekuti hapana munhu achabviswa panzvimbo yake yekuvhotera kunyanqe hazvo miganhu yedunhu rakeo ichinge yashanduka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG