Accessibility links

Breaking News

Dare reParamende muAmerica Rotatarika Kusarudza Mutauriri Waro


VaKevin McCarthy
VaKevin McCarthy

Nhengo yebato remaRepublicans VaKevin McCarthy vatadza kegumi nerimwe kuita mutauriri wedare reparamende reHouse of Representatives muAmerica sezvo dzimwe nhengo dzedare ravo makumi maviri dziri kuramba kuvavhotera.

Kwemazuva matatu adarika, dare range richitadza kusarudza mutauriri sezvo pasina ari kusvitsa mavhoti mazana maviri negumi nemasere kana kuti (218) ari kudiwa kuti akwanise kutora chigaro ichi.

Nhengo dzedare iri dzichadzoka zvakare nenguva dzemasikati muAmerica kuti dzitange kuvhota zvekare. Pane zvakabuda musarudzo dzanezuro dzekugumisira, VaMcCarthy vakaita mavhoti mazana maviri (200), VaHakeem Jeffries vebato remaDemocrats vakaita mavhoti mazana maviri negumi nemaviri (212). VaByronDonalds vebato remaRepublicans vakaita mavhoti gumi nemaviri (12).

Va Hakeem Jeffries
Va Hakeem Jeffries

VaKevin Hern vemaRepublicans vakaita mavhoti manomwe (7), vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump venato remaRepublicans zvekare vakaita vhoti imwe (1) chete uye imwe nhengo (9) haina kuvhotere munhu. VaTrump vakavhoterwa sezvo pasi pemutemo, munhu wose kusanganisira anenge asina kuvhoterwa kuva nhengo yebato iri anokwanisa kuvhoterwa musarudzo kuti ave mutauriri waro.

Asi VaTrump vari kukurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzivhotere VaMcCarthy. Munhoroondo yeAmerica, nyaya yekutadza kusarudza mutauriri wedare reHouse of Representatives musi wekutanga yakamboitika muna 1923 apo VaFrederick Gillet vakazosarudzwa kuva mutauriri mushure mekunge paitwa sarudzo kanosvika kapfumbamwe.

Capitol Building
Capitol Building

Muna 1849 mushure mekutadza kusarudza mutauriri mushure memazuva gumi nemapfumbamwe, uye kuvhota kanosvika zana nemakumi matatu nematatu (133) pakazovandudzwa mutemo pachinzi anenge aine mavhoti akawanda chete kwete anenge asvika mazana maviri negumi nemasere (218) ave mutauriri.

Kana pasina mutauriri wedare, nhengo dzakasarudza muna Mbudzi gore rapera hadzikwanise kutora mhiko zvichireva kuti hakuna basa rinokwanisa kuitwa nedare iri. Pasi pemutemo wakavandudzwa kana kuti 20th Amendment, mutauriri wedare anotanga kusarudzwa musi wa 3 Ndira masikati. Anenge asarudzwa anozotora mhiko yekuva mutauriri wedare iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG