Pope Emeritus Benedict XVI, avo vakambotungamira kereke yeRoman Catholic, varadzikwa nemusi weChina manheru kumarinda ari pasi pemuzinda weVatican mushure memunamato wekuonekana navo watungamirwa naPope Francis.
Vanhu vanodarika zviuru zvishanu vanonzi vaungana panze peSt. Peter’s Basillica vachionekana naPope Benedict apo bhokisi ranga riine mutumbi wavo ratakurwa nekuiswa patafura kana kuti altar.
Pope Francis vanozi vatura mashoko anobata pamusoro pemabasa akaitwa naPope Benedict vasati vasiya basa pamwe nemukurarama kwavo.
Kunyange hazvo veruzhinji vachinzi vari kubatikana nekushaya kwavo, zvinonzi kune vamwe vashoma vari kunyunyuta nemabatiro avanonzi vakaita nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu mukereke yeCatholic Church nemamwe mabhishopi.
Father Tafadzwa Kushamba vekereke yeSt. Clare-Assis kuWisconsin muAmerica, vanoti semakaturike pasi rose varwadziwa zvikuru, asi vanochema vaine tariro vachiziva kuti Mambo Jesu Kristu vakavafira nekumuka kuvafi vakavapa tariro iyoyo yekuti vachazosanganiswa navo nevamwe vose vakatungamira vari kuna Mwari.
Father Kushamba, avo vakaita mukana wekusangana naPope Benedict XVI vachiri vapenyu, vanoti Pope vaive munhu aizvininipisa achitya Mwari uye aikurudzira veruzhinji kuti vaswedere pedyo naMwari.
“Ndingangoti Papa Benedict vanga vari munhu anga ari very, very humble, anga ane chipo chekuteerera, chipo chekuti munhu wese anenge ari pedyo navo anzwike. And then vaizongokupaiwo mashoko ekukubatsirai kuziva kuti Kristu anesu nguva dzose,” vanodaro Father Kushamba.
Mazuva matatu ekuchema akaona vanhu vanodarika zviuru mazana maviri, kana kuti 200 000, vachionekana nemutumbi waPope Benedict, avo vakashaya neMugovera vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuberekwa.
Vanonzi sechikumbiro chavo, varadzikwa pamarinda akamboradzikwa Pope John XXIII naPope John Paul II mitumbi yavo isati yazobviswa ichinoradzikwa pane dzimwe nzvimbo dzine mukurumbira dziri mukereke pamusoro.
Pope Benedict vakatungamira kereke kwemakore angada kusvika kumasere vasati vasiya basa muna 2013 vachiti vakanga vasisina kusimba zvekuti vatungamire kereke nekuda kwehutano hwavo.
Vakave papa vekutanga mukati memakore mazana matanhatu kusiya vega basa.
Facebook Forum