Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vozivisa Nyika neZvavakwanisa Kuita veCCC Vachiti Anogona Haazviridzire Hwamanda


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vachatanga kuzivisa nyika zvinhu zvavakwanisa kuita mugore rapera.

VaMnangagwa vazivisa nezvehurongwa uhu padandemutande ravo reTwitter vachitanga nekuti vakavaka dhamu reGwaai-Shangani. Vati zuva rega rega vari kuita zvirongwa zvinobatsira vana veZimbabwe.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vakwanisa kugadzirisa zvinhu zvakawanda zvinosanganisira migwagwa uye bhodha reBeitbridge.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vame vanhu vakawanda vari kupindura padandemutande raVaMnangagwa nepaFacebook yeVOA Shona vari kuti nyaya dzehuori, hupfumi nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu ndidzo dzinofanira kugadziriswa nehurumende vachiti mutungamiri wenyika atadza kuzvigadzirisa.

Mashoko aya atsinhirwa nemumiriri weMbizo mudare reparamende vari nhengo yeCitizens Coalition for Change VaSettlement Chikwinya vaudza Studio 7 kuti kana VaMnangagwa vari kugona hapana chikonzero chekurova bembera vachiti nyama inonaka inotaura yoga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachipindura vari kushora zviri kuitwa naVaMnangagwa, VaParadza vati pane vamwe vanopikisa vasingadi kutambira chokwadi asi vakati vanhu ava havasi kuzovakanganisa mutungamiri wenyika kuzadzikisa muone wake.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG