Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika kuCherechedza Zuva reKuparurwa keBhuku reBraile Rinobatsira Vasingaoni


Senator Ishmael Zhou
Senator Ishmael Zhou

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rino mukucherechedza zuva rekuparurwa kwebhuku rinoshandiswa nevasingaone zvakanaka kana kuti World Braille Day paine kurudziro kuhurumende yekuti ivandudze mitemo kuti mapazi ayo ose nemabhizimisi ave nebhuku iri senzira yekuremekedza vasingaone ava nekuvapa simba rekuti vazviitire mabasa avo vakasungunuka.

Mukuru webasa mune rimwe sangano revakaremara reZimbabwe Disability Advocacy Empowerment and Rehabilitation Technology, (ZIDAET), Pastor Cover Mugwadi vati bhuku rebraille iri rinodiwa kuzvikoro zvese, zvipatara, zviteshi zvemapurisa nekumwe kwakasiyana siyana sekumatare edzimhosva nekuzvitupa kuti vasingaoni vawane kubatsirwa zviri nyore.

Mukuru wesangano reZimbabwe Visually Impaired Teachers, VaTakundwa Makurudza, vanotiwo zvikoro zvese zvemunyika zvinofanira kunge zviine bhuku reBraille iri


Vati vana vasingaoni vanosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana vari kushaiwa dzidzo nekuti zvikoro munyika, kunyanya kumaruwa hazvina mabhuku ebraille pamwe nevadzidzisi vanogona kushandisa bhuku iri.

Vasingaoni nekunzwa zvakanaka kana kuti matsi vanonetseka kuwana rubatsiro kuzvipatara, kumatare edzimhosva uye pakuvhota nekuda kwekushaya zvikwanisiro zvakaita semabhuku eBraille aya.

Pastor Cover Mugwadi vaenderera mberi vachiti kanzuru inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Elections(ZEC) inofanira kushandisawo braille kuti vasingaone vavhote pasina kubatsirwa.

Hatina kukwanisa kunzwa kune mutauriri weZEC, VaJasper Mwangwana panyaya iyi sezvo vange vasingadairi nharembozha yavo kana kupindura tsambambozha.

Asi mutevedzeri wegurukota rinoona nezve vashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, VaLovemore Matuke, vati parizvino hapana mutemo uripo unosungira hurumende kuwanisa mapzi ayo kana mamwe masangano braille asi vati ipfungwa yakanaka.

Nhengo yedare reSenate inomiririra vakarema , VaIshamel Zhou vati vachakurudzira kugadzirwa kwemutemo wakadai sezvo riri basa reparamende pamwe neSenate kugadzira mitemo munyika.

Zuva reWorld Braille Day iri rakasendekwa parutivi kurangarira murume akagadzira bhuku rebraille rekutanga, VaLoise Braille vekunyika yeFrance muna 1826 avo vakazvarwa musi wa 4 Ndira mugore ra 1809.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG