Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vapedza Mazuva Anodarika Mazana Maviri Vari muChikurubi Vonyimwa Zvakare Mukana Kubvisa Mari yeChibatiso


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Dare repamusoro reHigh Court nhasi raramba zvakare chikumbiro chemumiriri weZengeza West mudare reparamende, VaJob Sikhala, chekuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakakurudzira mhirizhonga kuNyatsime zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa nhengo yebato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali, neinofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF iyo yakatobvuma mhosva iyi mumatare.

Mutongi wedare repamusoro VaSamuel Deme vati VaSikhala havakodzere kubuditswa mujeri vakati achazopa zvikonzero zvake munguva yaasina kutara.

VaSikhala vainge vakwidza nyaya iyi kudare repamusoro vachiti mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Tafadzwa Miti, vakanga vakanganisa pavakatura mutongo wekuti munhu anogara achipara mhosva saka nokudaro zvaizokonzera kusagadzikana munyika kana vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba kumba kwavo.

Mutevedzeri wemutauriri webato reTripple C, VaGift Ostallos Siziba, vati havasi kufara nekunyimwa kwaitwa VaSikhala mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti musungwa agarisa mutirongo.

Mapurisa ari kudare pakutongwa kwaVaJob Sikhala
Mapurisa ari kudare pakutongwa kwaVaJob Sikhala

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaClaris Madhuku, vati kunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuri kuitwa VaSikhala kuri kubuditsa nyaya dzakawanda zvikurusei nyaya yekuti matare anogona kunge ane divi raakarerekera.

Asi vachitaura neStudio 7 svondo rino, gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaramba kuti hurumende yavo iri kupindira panyaya yekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuri kuitwa VaSikhala.

Zvichakadaro, mudare ramejastiriti, vachuchisi vehurumende vati havana kugadzirira kupa mhinduro kudare nhasi pachikumbiro chakasvitsa kudare naVaSikhala nezuro chekuti zvinenge zvichitaurwa mudare pachange pachitongwa nyaya yavo yekunzi vakavhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare zvibuditswe pamadandemutande nekutepfenyurwa panguva iyoyo.

Vachuchisi vati vachazonyora mhinduro yavo pachikumbiro ichi vosvitsa kudare mukupera kwezuva ranhasi zvaita kuti mutongi wedare, Amai Marehwanazvo Gofa, vati vachazotura mutongo wavo panyaya iyi neMuvhuro svondo rinouya.

VaSikhala vakatarisirwa kutanga kutongwa svondo rinouya musi waNdira 11 panyaya yekunzi vakakurudzira mhirizhonga kuNyatsime.

VaSikhala vakasungwa muna Chikumi gore rapera zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa Muzvare Ali nhengo yeCCC naPius Jamba uyo akatosungwa uye kutenda kuti akadeura ropa.

Asi VaSikhala pose pavakakumbira mukana wekupihwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo vari kunyimwa mukana uyu.

VaSikhala vari kutarisirwawo kutanga kutongwa mangwana paine imwewo nyaya yekunzi vakaburitsa mashoko emanyepo panyaya yemwana ainzi akarohwa nemapurisa akafa pakurohwa kwakaitwa vanhu pamakombi nemapurisa muna 2021.

Asi mapurisa akazoburitsa mashoko achiti hapana munhu akafa. Mumwe wevakasungwa nenyaya iyi, mutori wenhau Hopewell Chin’ono akawanikwa asina mhosva nematare panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG