Accessibility links

Breaking News

Kambo keMuimbi Ari muAmerica, 'King Isaac' Kalumbu, Kanotora Mukombe weDzakafarirwa neVateereri veNhepfenyuro yeZBC Classic 263 Muna 2022


Muimbi ari kuAmerica, 'King Isaac' Kalumbu.
Muimbi ari kuAmerica, 'King Isaac' Kalumbu.

Chimwe chizvarwa cheku Zimbabwe chiri muAmerica chinoita zvemimhanzi, Isaac Kalumbu, uyo anonyanyozivikanwa nerekuti 'King Isaac' mukuimba, anoti ari kufara zvakanyanya mushure mekunge nziyo dzake nhatu dzapinda panziyo makumi mashanu dzakafarirwa nevateereri venhepfenyuro yeZBC Classic 263 mugore ra 2022.

Vateereri ava vakapiwa mukana wekusarudza nziyo makumi mashanu dzavaifunga kuti ndidzo dzakatonga pane dzakaridzwa panhepfenyuro iyi, iyo yaimbonzi Radio 1.

Kalumbu anoti nziyo dzake nhatu dzinoti ‘Chimhandara’ iyo yakatora chinzvimbo chechimakumi matatu neshanu (35), ‘Uye Uye’ yakatora chinzvimbo chechina (4) na ‘The Score’, iyo yaakaimba pamwechete nemuimbi wemusambo weReggae wekuJamaica ane mukurumbira, Chaka Demus, yakatora chinzvimbo chekutanga (1) dzakaratidza kuti kana uri muimbi akarongeka unongofarirwa zvisina basa kuti uri kupi.

Muimbi uyu anoti izvi zvinhu zvaakanga asingafungiri uye zvakamupa manyavi ekuti kunyange hazvo ari munhu ari kugara kunze kwenyika, haana kurasa midzi yake kumusha uye vekumusha vachiri kumutambira semwa wavo.

Anokurudzirawo vamwe vari kunze kwenyika vari kuita zvemitambo nemimhanzi kuti vasarasa mutupo nekushanya, achiti vanofanirwa kuramba vaine hukama nekumusha kwavakabva kana kuberekerwa kuti vasimukire mune zvavari kuita.

Kunze kwekuita zvemimhanzi, Kalumbu anoshanda saAssistant Director pamuzinda wezvidzidzo zveAfrica, kana kuti African Studies Center paMichigan State University.

Hurukuro naIsaac Kalumbu anozvikanwa saKing Isaac
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG