Accessibility links

Breaking News

Muzinda weZimbabwe muSouth Africa Wogadzirira Kuona Kuti Vanhu Vangani Vari paMagwaro eZEP Vangada Kubatsirwa Kudzokera Kumusha


Zimbabwe Exemption Permit

Muzinda weZimbabwe muSouth Africa unoti uri mushishi kugadzirira kuti uone kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingani zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits (ZEP) zviri kugara, kudzidza nekushanda munyika iyi zviri kuronga kudzokera kumusha panopera kushanda kwemagwaro aya kupera kwaChikumi wegore rino.

Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vaudza Studio 7 parunhare kuti muzinda wavo uchiri mushishi kugadzirira kuparura chirongwa ichi vachiti chinozovapa ruzivo rwekuti vanhu vangani vangazoda kubatsirwa.

Kusvika pari zvino vanhu zviuru zvitanhatu ndivo chete vanonzi vakakwanisa kunyorera magwaro anonzi anokwanisa kuita kuti varambe vari muSouth Africa zviri pamutemo pavanhu zviuru zana nemakumi manomwe nezvisere, kana kuti 178 000 vane magwaro eZEP.

Sachigaro veAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti kunyange hazvo vasati vapirwa nyaya iyi nemuzinda weZimbabwe, vanoona kuti danho iri rakanakira vanoda kudzokera kumusha asi vasina zvikwanisiro.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG