Accessibility links

Breaking News

Mutambi weNhabvu Pele Ochemwa Zvine Mutsindo


Mutungamiri wenyika yeBrazil VaLula da Silva vatungamira nyika yavo mukuchema shasha yenhabvu Pele asati aradzikwa nhasi.

Brazil Pele
Brazil Pele

Motokari yange yakatakura mutumbi wake inowanzosjandoswa Mudzimurema moto yabva kunhandare yenhabvu yeUrbano Caldeira Stadium inotambirwa nechikwata chaakakura achitambira cheSantos ichitenderera mumigwagwa yenyika iyi isati yaenda kumarinda.

Motokari iyi yadarika nepamba panogara amai VaPele, amai Celeste Arentes avo vave nemakore zana.

Pele ari kuradzikwa kumarinda eMemorial neCropole eCumenica nehama dzake chete. FIFA inoti iri kuronga kukumbira nyika dzepasi rino kuti dzipe zita raPele kunhandare imwe chete munyika idzi sekuremekedza zvaakaita kusimudzira nhabvu pasi rose.

Muwongorori wenhau dzemitambo Thandazani Zimbwa anoti hunyanzvi hwaPele huri kurangarirwa pasi rose sezvo akatamba bhora zvakanakidza pasi rose panguva iyo akange ari mupenyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG