Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzokurudzira Hurumende Kugadzirisa Matambudziko Akabata Hupfumi hweNyika Gore Rapera Kuti Zvinhu Zvinake Gore Rino


Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe.
Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kuyambira kuti kana hurumende yakasatora zvidzidzo kubva kumatambudziko akasanana nenyika mune zvehupfumi gore rapera RA 2022 zvinhu zvinogona kutozoipa zvakanyanya gore rino ra 2023.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, Doctor Charles Mutasa vanoti zvikuru zvinofanirwa kugadziriswa nehurumende gore rino richingotanga kudai huwori pamwe nekushandiswa kwehupfumi hwenyika kwakanaka.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, avo vanoti nyika iri kupinda muna 2023 zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanotiwo hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya dzemagetsi uye kushandiswa kwemari kuri sezvo rino riri gore resarudzo.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaPersistence Gwanyanya, vanoti kunyange hazvo zvinhu zvichange zvaKAmboti omeyi mukati memwedzi mitatu yegore rino, hurumende ine ruzivo rwakadzama rwemabatirwo ehupfumi hwenyika kunyange hazvo nyika yatarisana nesarudzo gore rino.

VaGwanyanya vanopembedzawo hurumende kuti yakakwanisa kudzikamisa hupfumi hwenyika pamwe ne inflation mugore rapera ra 2022 kuburikidza nezvirongwa zvayo zvaisanganisira kugadzirwa kwemapeni egoridhe ayo akatengeserwa veruzhinji senzira yekuti vachengetedze nayo pfuma yavo, panguva imwechete hurumende ichitsvairawo mari dzekunze dzaitenderera pamusika mutema.

Asi vamwe vanoishora vachiti yakatadza kuvhara maburi aiburitsa zvicherwa munyika, pamwe nehuwori, uhwo vanoti hwatambarara serunyemba mumapoka ose ekurarama.

Vanoshora ava vanotiwo hurumende yakakundikana kugadzirisa dambudziko remagetsi mugore rapera iro vanoti rakanamirawo zvakare kupinda muna 2023, vachiti zvichakanganisa zvakanyanya kushanda kwemakambani pamwe neveruzhinji, avo vave kuzviitira mabasa emaoko nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu.

Hurumende inonziwo haina kugadzirisa nyaya dzemihoro, izvo zvakaita kuti vashandi vayo varambe vachinonga svosve nemuromo kunyange mugore rino ra 2023.

Kunze kwekunge izvi zvagadziriswa, vamwe vanoti ichangoramba iri ngoma ndiyo ndiyo kusvika pachapera gore rino zvakare.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG