Accessibility links

Breaking News

Sangano rePTUZ Rinonyorera PSC Tsamba Richikurudzira Nhaurirano dzeChimbichimbi Svondo Risati Rapera


Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou.

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, ranyorera hurumende tsamba richikurudzira kuti paitwe musangano wechimbichimbi svondo rino pakati pePublic Service Commission (PSC) nemasangano evashandi vehurumende wekuzeya nyaya dzemihoro nemashandiro evashandi zvikoro zvisati zvavhurwa svondo rinouya.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti sangano ravo ratora danho iri nekuona kuti matambudziko evashandi vehurumende ave nenguva asiri kugadziriswa, izvo zvinoita kuti zvidzidzo zvikanganisike mushure mekunge varairidzi vazokundikana kudzokera kumabasa panovhurwa zvikoro.

Doctor Zhou vanoti danho ravatora iri rinomirira masangano evashandi vehurumende ose sezvo vakataura vese vakawirirana kuti matambudziko avo mamwechete.

Studio 7 yaedza kubata vePublic Service Commission kuburikidza nerunhare asi vati tiite zvekutumira mibvunzo yedu netsambambozha kana kuti email, zvinove zvataita asi pataenda pamhepo tanga tichakamirira mhinduro.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro.
Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti sangano rePTUZ harisi kuti riri kuda kuramwa mabasa kana kukurudzira nhengo dzaro kuti dziramwe mabasa.

VaNdoro vanoti sangano iri riri kukurudzira chete kuti paitwe nhaurirano pakati pehurumende nevarairidzi kuitira kuti pakwanise kuramba pachipiwa dzidzo yemhando yepamusorosoro.

VaNdoro vanotiwo gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya yave pamusorosoro, vachikurudzira vabereki vari kuchema nekukwidzwa kwemari dzec hikoro nezvikoro kuti vatange vapiwa humbowo hwekuti chikoro chakapiwa here mvumo nehurumende yekuwedzera mari.

Zvichakadaro, rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti riri kukurudzira varairidzi kuti varatidzire neChishanu svondo rino vari chero kwavari vachinyunyuta nekwarinoti kusazadziswa nehurumende kwehurongwa hwekuti vana vevarairidzi vange vasingabhadhare mari dzechikoro.

Sangano iri rinoti varairidzi vanofanirwa zvakare kuratidzira pamusoro pemihoro yavari kuda yeUSD$540.00 pamwedzi.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
GOVERNMENT RESPONSE-NDORO-SHO-ZULU 03 JAN 2023.wav
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG