Accessibility links

Breaking News

VaZiyambi Voramba Kuti Hurumende Iri Kupindira Pakutongwa kwaVaSikhala


Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vari kuramba kuti hurumende iri kupindira mukutongwa kwenyaya yemumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala.

VaSikhala vanova nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vakasungwa musi wa 14 Chikumi vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga kuNyatsime zvichitevera kupondwa kwenhengo yebato ravo Muzvare Moreblessing Ali nenhengo yeZanu-PF Pius Jamba uyo akabvuma kuti akadeura ropa.

VaSikhala vakanyora tsamba nemusi weSvondo vachiti vari kurwara uye vanoti kubva zvavakatanga kurwara nemudumbu muna Gunyana, vakuru vemajeri vari kuramba kuti vaonekwe nachiremba wavo.

VaZiyambi vaudza Studio 7 kuti muChikurubi muna vanachiremba vanokwanisa kurapa VaSikhala vakatiwo kunyangwe chiremba wavo akauya vanachiremba vehurumende ava vanenge varipo.

Varambawo mashoko ekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuisa munwe wavo pachikero chemutemo kuti VaSikhala vasapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. VaSikhala vanyimwa mukanma wekubvisa mari yechibatiso kagumi nembiri.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti musungwa ane kodzero yekuonekwa nachiremba wake nemagweta ake.

Vati pachitariswa matongerwo enyaya iyi nezviri kutaurwa nevatungamiri vehurumende kuti vaSikhala havasi kuzoburitswa mujeri, zviri pachena kuti mutemo unotarisa kuti wabuda mumba maani.

VaSikhala vari kutarisirwa kumira pamberi pedare ramejastiriti nhasi vachipomerwa mhosva yekuda kukanganisa mapurisa kuferefeta nyaya yekupondwa kwaMuzvare Ali. Vari kuramba mhosva iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG