“Mwari ndinokudai,” aya ndiwo mazwi ekupedzisira aPope Emeritus Benedict vasati vashaya nemusi weChina.
Mashoko aya aburitswa padandemutande remuzinda weRoman Catholic kana kuti Vatican News website. Munyori waPope Benedict, VaGeorg Gänswein vanoti mukoti chete ndiye munhu aive pedyo navo pavakashaya. Vati Pope Emeritus Benedict pavakapedza kutaura mashoko aya vakange vave kutadza kutaura zvakanaka.
Mutumbi waPope Benedict unenge uri must Peter’s Basilica kutanga nhasi kusvika musi weChitatu.
Vari kutarisirwa kuradzikwa nemusi weChina. Pope Benedict vakaberekwa vachinzi Joseph Ratzinger uye vakave Pope wekutanga mumakore mazana matanhatu kusiya basa muna 2013. Vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu.
Facebook Forum