Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMitemo, VaZiyambi, vanozivisa nezveMari Dzichapiwa Mapato ezveMatongerwo eNyika pasi peMutemo wePolitical Parties Finance Act


Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi.
Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi.

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakazivisa neChishanu nezvemari dzichapiwa mapato ezvematongerwo enyika akakwikwidza musarudzo dza2018 akakwanisa kuwana zvikamu zvishanu kubva muzana kana kudarika zvemavhoti.

Mari idzi dzinopiwa mapato ezvematongerwo enyika pasi peSection 3(2) yemutemo wePolitical parties (Finance) Act[Chapter 2:04].

Mapato achawana mari iyi mugore rinouya ra2023 anoti reZanu PF, iro richapiwa ZWL$985 874 400,00 zvichitevera kuwana kwaro mavhoti anodarika zvikamu makumi manomwe kubva muzana, kana kuti 70.03 percent, kuchitiwo reMDC richipiwa ZWL$422 717 600.00 mushure mekuwana kwaro mavhoti anodarika zvishoma zvikamu makumi maviri nezvipfumbamwe kubva muzana, kana kuti 29, 97 percent zvemavhoti.

Mari yebato reMDC inoenda kubato rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora mushure mekuhwinha kumatare hondo yekutungamira bato iri.

Mari iyi inopiwa mapato anokodzera pasi pemutemo kwemakore mashanu mushure musarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG