Accessibility links

Breaking News

Pope Emeritus Benedict XVI Vanoshaya Vave neMakore Makumi Mapfumbamwe neMatanhatu eKuberekwa


Pope Emeritus Benedict XVI

Pope Emeritus Benedict XVI, avo vakatungamira kereke yeRoman Catholic Church kwemakore angada kusvika kumasere vasati vasiya basa vashaya nhasi vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuberekwa.

Vakave papa vekutanga kusiya basa vega mukati memakore mazana matanhatu.

Kushaya kwaPope Benedict XVI kunotevera chikumbiro chaPope Francis chekuti vanhu vanamatire vakavasiira basa ava, muzinda weVatican uchizivisawo kuti hutano hwavo hwakanga hwaipiswa nekuda kwekukwegura.

Muzinda weVatican wazivisa kuti mutumbi wevakambotungamira Catholic Church ava uchange uri muSt. Peter’s Basilica kubva neMuvhuro. Pope Francis vachange vachitungamira misa yekupemberera hupenyu hwaPope Benedict mu St. Peter’s Square nekusi weChina.

Pavakazivisa nezvehurongwa hwekuda kusiya basa kwavo muna 2013, Pope Benedict vakati vakanga vasisina hutano hwakanaka nepfungwa dzinoshanda zvakana kuti varambe vachitungamira sapapa.

Kubva zvavakasiya basa vachienda pamudyandigere, vakanga vasinganyoonekwa muruzhinji, vachipa nguva yavo yekurarama yakanga yasara kuminamato.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG