Dare remuBotswana rakatara kuti vaive mutungamiri wenyika iyi, VaSeretse Khama Ian Khama, vasungwe pavanongoonekwa, vachipomerwa mhosva dzinosanganisira dzekuve nepfuti zviri kunze kwemutemo.
Gwaro rekusunga VaKhama rakaburitswa nedare reRegional Magistrate Court musi wa 29 Zvita gore rino rinoti mumwedzi waKurume muna 2016, VaKhama vakatyora Chikamu 9(1) chemutemo weArm and Ammunition Act, pamwe nedzimwe mhosva dziri mugwaro rekuvarovera nemhosva.
Gwaro redare iri rinoenderera mberi richiti vanenge vavaona vavasunge kana kuti vakonzere kusungwa kwavo kuitira kuti vamiswe pamberi pedare reBroadhurst Magistrate Court kuti vabvunzurudzwe pamwe nekuti vapindure kumhosva dzavari kupomerwa zviri pamutemo.
VaKhama vakatiza kubva muBotswana vachienda kuSouth Africa gore rapera mushure mekukura kwekusawirirana kwavo nemutungamiri wenyika, VaMokgweetsi Masisi.
VaKhama vakapomerwa zviri pamutemo mhosva idzi muna Kubvumbi gure rino asi havasati vamiswa pamberi pedare redzimhosva.
Asi vaudza VOA kuti vari kungoshungurudzwa nekuda kwekushoropodza kwavanoita hutongi hwaVaMasisi.
VaKhama vakatonga Botswana kubva muna 2008 kusvika 2018.
Vati vakagadzirira kudzokera kumusha kunyange hazvo vasina kutaura kuti vachadzokera riinhi.
Facebook Forum