Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica, VaBiden neVaive Vatungamiri VaObama naVaBill Clinton, Vanobatana nePasi Rose muKuchema Shasha yeNhabvu, Pele


Pele.

Pasi rose riri kuenderera mberi nekuchema shasha yemutambo wenhabvu yeku Brazil, Edson Arantes do Nascimento, aIzivikanwa zvakanyanya nerekuti Pele, uyo akashaya neChina ave nemakore makumi masere nemaviri ekuberekwa.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nevaive vatungamiri venyika iyi VaBarack Obama naVaBill Clinton vabatanawo nevatsigiri venhabvu pasi rose mukuchema Pele.

Vatungamiri ava vaisa mashoko avo padandemitande reTwitter.

Pele, uyo aizivikana zvakare nevamwe nerekuti Mambo weBhora nekuda kwezvidavado zvake munhabvu, akashayira kuBrazil kuchipatara cheAlbert Einstein mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere chegomarara.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG